“Josefa Anogadzirira Nguva Dzakaoma,” Mashoko eMwedzi Woga Woga eFriend (Shamwari), Kurume 2022
“Josefa Anogadzirira Nguva Dzakaoma”
Mashoko eMwedzi Woga Woga eFriend (Shamwari) Kurume 2022
Josefa Anogadzirira Nguva Dzakaoma
Josefa aiva muporofita. Aigara muEgipita. Humwe husiku Farao, mambo weEgipita, akava nechiroto chinoshamisa. Akabvunza Josefa izvo zvaireva chiroto chacho.
Mwari vakabatsira Josefa kunzwisisa chiroto chacho. Kwemakore manomwe, vanhu vaizova nezvokudya zvizhinji. Zvino kwemakore manomwe, vaisazova nezvokudya zvakakwana. Josefa akaudza Farao.
Josefa akati vaifanira kuchengetedza zvokudya iyezvino. Zvino vaizova vakagadzirira nguva dzakaoma. Farao akaisa Josefa kuti atungamirire kuchengetedzwa kwezvokudya. Josefa akashanda nesimba.
Apo makore manomwe enzara paakauya, vanhu vakanga vaine zvokudya zvakakwana. Vakanga vachitova nezvakakwana zvokuti vagoverane nevamwe.
Ndinokwanisa kugadzirira iyezvino. Nerubatsiro rwaMwari, ndinokwanisa kukunda munguva dzakaoma!
© 2022 neIntellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly Friend Message, March 2022. Shona. 18296 731