2022
Mapisarema Anodzidzisa nezvaJesu Kristu
Nyamavhuvhu 2022


“Mapisarema Anodzidzisa nezvaJesu Kristu,” Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Nyamavhuvhu 2022

“Mapisarema Anodzidzisa nezvaJesu Kristu”

Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Nyamavhuvhu 2022

Mapisarema Anodzidzisa nezvaJesu Kristu

Mufananidzo
Davidi nembira

Mifananidzo naApryl Stott

Mapisarema inziyo dzinoera. Vanhu muBhaibheri vakanyora mapisarema kuti varumbidze Mwari. Mapisarema avo akawanda anodzidzisa pamusoro paJesu Kristu. Izvi ndizvo zvinodzidziswa nemamwe mapisarema anobva muBhaibheri.

Mufananidzo
Jesu Kristu akamira padombo

Ndinoda Ishe. Ndiye dombo rangu nesimba rangu. Ndinozovimba Naye. Ndinozorumbidza Iye.

Mufananidzo
Jesu Kristu akabata hwai

Ishe ndiye Mufudzi wangu. Anonditungamirira kumafuro akasvibira. Anonditungamirira kumvura inozorodza. Handizotyi.

Mufananidzo
Jesu Kristu akabata mwenje

Ishe ndivo chiedza changu. Handizotyi. Ndinozova neushingi. Anozosimbisa mwoyo wangu.

Mufananidzo
vanhu vari pachechi

Ndinoda Jesu Kristu, uye Iye anondida. Ndinokwanisa kuMurumbidza apo pandinodzidza nokuimba pamusoro Pake.

Peji Yokuisa Ruvara

Ishe Ndiye Mufudzi Wangu

Mufananidzo
Jesu akatakura hwayana

Dzvanya pamufananidzo kuti udhaunirodhe.

Mufananidzo naApryl Stott

Unonzwa sei rudo rwaJesu?

Dhinda