2022
Mazita Mazhinji aJesu
Zvita 2022


“Mazita Mazhinji aJesu Kristu,” Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Zvita 2022

“Mazita Mazhinji aJesu Kristu”

Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Zvita 2022

Mazita Mazhinji aJesu Kristu

Mufananidzo
Ezekieri achinyora

Mifananidzo naApryl Stott

Vaporofita vazhinji vakadzidzisa pamusoro paJesu Kristu. Vakati Aizozvarwa kuti atitaridze mararamiro. Vaishandisa mazita mazhinji kuti vadzidzise pamusoro Pake.

Mufananidzo
Bhaibheri neBhuku raMormoni

Dzimwe nguva mumagwaro matsvene Jesu anonzi Imanueri. Zita iroro rinoreva kuti “Mwari vanesu.”

Mufananidzo
kudhinda Bhaibheri pamuchina wokudhinda wokutanga

Jesu anonziwo Mesiasi. Mesiasi zvinoreva kuti “uyo akazodzwa.” Jesu akatifira kuti tikwanise kugara naMwari zvakare.

Mufananidzo
Joseph Smith achidudzira Bhuku raMormoni naEmma semunyori

Jesu ndiye Muponesi wedu. Anotiponesa kubva kuzvivi zvedu uye kubva kurufu.

Mufananidzo
Jesu Kristu
Mufananidzo
mhuri ichiverenga magwaro matsvene

Rimwe zita raJesu rinonzi Muchinda weRunyararo. Apo patinenge tichitya kana kusuruwara, Anotibatsira kunzwa runyararo kuburikidza neMweya Mutsvene.

Mufananidzo
Vana vane murume ari pawiricheya vachiverenga magwaro matsvene

Ndinoda Jesu Kristu. Ndinokwanisa kudzidza pamusoro peupenyu Hwake mumagwaro matsvene.

Peji Yekuisa ruvara

Ndinoda Jesu Kristu

Mufananidzo
vana nevadzidzisi muPuraimari

Dzvanya pamufananidzo kuti udhaunirodhe.

Mufananidzo naApryl Stott

Unoratidza sei kuti unoda Jesu?

Dhinda