“Jesu Anoporesa Mudzimai,” Shoko reFriend (Shamwari) reMwedzi Woga Woga, Kukadzi 2023
“Jesu Anoporesa Mudzimai”
Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Kukadzi 2023
Jesu Anoporesa Mudzimai
Rimwe zuva Jesu akafamba mumugwagwa une vanhu vakawanda. Muchaunga chacho maiva nomumwe mudzimai akanga arwara kwamakore gumi namaviri.
Mudzimai uyu aiva norutendo rwekuti Jesu aikwanisa kumuporesa. Akatambanudza ruoko akabata nguwo Yake. Pakarepo akabva aporeswa!
“Ndiani abata nguwo dzangu?” Jesu akabvunza. Mudzimai akatya. Akapfugama pamberi paJesu uye akaMuudza zvakanga zvaitika.
Jesu aiva nerudo. Akati, “Iva nekunyaradzwa kwakanaka.” Akamuudza kuti aiva aporeswa nekuda kwerutendo rwake.
Ndinokwanisa kuva nerutendo muna Jesu Kristu. Rudo Rwake runokwanisa kundibatsira uye kundipa runyararo.
© 2023 ne Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly Friend Message, February 2023. Language. 18910 731