Shamwari
Aroni Anodzidzisa Mambo
Chikunguru 2024


“Aroni Anodzidzisa Mambo,” Friend (Shamwari), Chikunguru 2024, 26–27.

Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Chikunguru 2024

Aroni Anodzidzisa Mambo

Mufananidzo
Aroni achidzidzisa vanhu; Aroni amire pamberi paMambo

Mifananidzo naAndrew Bosley

Aroni aiva mumwe wevanakomana vaMosaya. Aiva mushumiri. Akadzidzisa mambo wavaRamani vemunyika yose.

Mufananidzo
Aroni achitaura naMambo

Aroni akabvunza mambo kana aitenda muna Mwari. Mambo akati aizotenda kana Aroni akamuudza kuti Mwari vaiva vechokwadi. Akakumbira Aroni kuti amuudze zvimwe zvizhinji pamusoro paMwari.

Mufananidzo
Aroni achidzidzisa kumashure kwake kune matenga

Aroni akaverengera mambo magwaro matsvene. Akadzidzisa pamusoro pekusikwa kwenyika. Akadzidzisa pamusoro pechirongwa chaMwari. Akaudza mambo pamusoro paJesu Kristu.

Mufananidzo
Mambo wavaRamani vakapfugama; Aroni achibhabhatidza vanhu

Pashure, mambo akanamata. Akabvunza Mwari kana izvo zvaiva zvataurwa naAroni zvaiva chokwadi. Mambo vakagamuchira minduro yokuti zvaiva chokwadi!

Mambo vakatenda izvo zvakadzidziswa naAroni. Vanhu vose vemuimba make vakatendawo. Vakabhabhatidzwa uye vakasarudza kutevera Jesu Kristu.

Peji Yekuisa Ruvara

Ndinokwanisa Kutevera Jesu kuburikidza noKuratidza Rudo

Mufananidzo
Peji yekuisa ruvara yevana uye mwoyo mikuru

Mufananidzo naAdam Koford

Unoratidza sei rudo kune vamwe?

Dhinda