2022
Usatya—Ishe Vanewe
Chikunguru 2022


“Usatya, Ishe Vanewe,” For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Chikunguru 2022.

Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Chikunguru 2022

Usatya—Ishe Vanewe

Kubva munhaurwa yemusangano mukuru waGumiguru 2018.

Kutya hachisi chinhu chitsva. Kubva nguva dzechinyakare, kutya kwakaderedza maonero ezvinhu evana vaMwari. Muna 2 Madzimambo, mambo weSiria akanga atumira mauto kuti abate uye auraye muporofita Erisha.

“Zvino muranda [waErisha] wakati amuka mangwanani, akabuda, ndokuona hondo namabhiza nengoro zvakakomba guta. Muranda [waErisha] akati kwaari, Haiwa! tenzi wangu, tichadiniko?” (2 Madzimambo 6:15).

Uko kwaiva kutya kwaitaura.

“Uye [Erisha] akapindura akati, Usatya hako: nokuti varikwatiri vanopfuura varikwavari pakuwanda.

“Erisha akanyengetera, akati, Jehova svinudzai henyu meso ake, aone. Ipapo Jehova akasvinudza meso ejaya; akaona gomo rizere namabhiza nengoro dzomoto zvakanga zvakakomba Erisha” (2 Madzimambo 6:16–17).

Tinogona kunge tiine kana kunge tisina ngoro dzemoto dzakatumirwa kuzobvisa kutya kwedu uye nekukunda madhimoni edu, asi chidzidzo chacho chakajeka. Ishe vanesu, vanotirangarira, uye vachitiropafadza nemunzira dzavanokwanisa kuita Ivo chete.

Kana tichishingaira kuvimba munaIshe uye nzira Dzavo, kana tiri kuita basa Ravo, hatizotya zviitiko zvepanyika kana kutambudzwa nazvo. Ishe vari kutichengeta, vari kutitaririra, uye vakamira nesu.

Dhinda