2022
Mwenje kuTsoka Dzedu
Nyamavhuvhu 2022


“Mwenje kuTsoka dzedu,” For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Nyamavhuvhu. 2022.

Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Nyamavhuvhu 2022

Mwenje kuTsoka Dzedu

Chinhu chaizivikanwa pakati pavaIsraeri vechinyakare chinokwanisa kutidzidzisa kuti Ishe vanotitungamira sei.

Mufananidzo
mwenje wemafuta

Zvokwadi

Munguva dzeTestamende Yekare, vanhu vaishandisa mwenje wemafuta kuti vafambe nechiedza murima. Mizhinji yemwenje iyi yaive nezvinhu zvitatu zvakakosha:

  1. Mbiya yevhu yokukuchengetera mafuta omuorivhi; kazhinji yaivadiki zvakakwana kubata muchanza choruoko rwemunhu

  2. Tambo yefurakisi inozotungidzwa mushure mekunge yanwa mafuta omuorivhi

  3. Muromo kana buri rinobata tambo

Mwenje yemafuta yakareruka ine tambo imwechete yaipa chiedza kwechinhambwe chakaipoteredza chingangoita mita imwechete. Kana yaishandiswa apo munhu achifamba, yaikanda chiedza chakangokwana kuti uone danho rimwechete pamberi pako zvokuti ugokwanisa kufamba zvakanaka murima.

Zvatinokwanisa Kudzidza

Mufananidzo
Jesu Kristu akabata mwenje wemafuta

Wakashandiswa nemvumo. Lead, Kindly Light [Tungamira, Chiedza Chomutsa], naSimon Dewey. Mvumo yakapuwa ne altusfineart.com © 2022

Shoko raIshe rinokwanisa kuvhenekera nzira yedu nemurima uye nemukuvhiringidzika zvakatikomberedza munyika.

Ishe vakatikumbira kuti tisafukidza chiedza chedu asi kuti titakure chiedza chevhangeri nesu kuitira kuti vamwe vakwanise kuchiona (ona Mateo 5:14-16).

Zviri kwatiri kuita chokwadi kuti mwenje yedu yakazadzwa nemafuta (ona Mateo 25:1-13). Tinoita izvi kuburikidza nemunamato, kunzvera magwaro matsvene, mushando, kutevera muporofita, nemamwewo mabasa orutendo nokuzvipira (ona Spencer W. Kimball, Faith Precedes the Miracle [1972], 256).

Tikashandisa rutendo, Ishe nedzimwe dzenguva vanovhenekera nzira dzedu zvakangokwana kuti isu titore rimwe danho (ona Boyd K. Packer, “The Candle of the Lord,” Ensign, Ndira. 1983, 54).

Dhinda