2023
Huyai kwaAri
Kurume 2023


“Huyai kwaAri,” For the Strength of Youth (Zverusimbiso rweVechidiki), Kurume. 2023.

Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Kurume 2023

Huyai kwaAri

Muponesi anotikoka kuti tiise mitoro yedu paAri.

Mufananidzo
Jesu Kristu

Mufananidzo naAnnie Henrie Nader

Huyai kwandiri

Tinokwanisa kuuya kuMuponesi kuburikidza nekudzidza vhangeri Rake, tiine rutendo maAri, tichitendeuka, tichiita nekuchengeta zvibvumirano, uye nekutevera muenzaniso Wake.

basa … kuremerwa

Basa repanyama uye nemitoro yepanyama zvinogona kutinetesa zvikuru, asiwo zvemupfungwa, zvepamwoyo, uye nezvepamweya zvinokwanisa kunetesawo zvikuru. Muponesi anotipa runyararo Rwake, zvisinei nemhando dzemitoro yatingatakura.

joko

Joko mudziyo wekubatanidza mhuka mbiri pamwechete kuti dzikwanise kukweva mutoro pamwechete, sezvakaita gejo kana ngoro. Joko kazhinji rine danda remuti rinogara pahupu yefudzi remhuka imwe neimwe, richiparadzira huremu.

dzidza

Tinokwanisa kudzidza nezvaJesu Kristu nokunzvera dzidziso Dzake nemuenzaniso Wake—uye nokuedza kuzvitevera.

zororo

Zororo reMuponesi ndirwo runyararo Rwake, runodzikamisa pfungwa dzedu nemweya. Anotibatsira kukunda kufunganya kwepanyika uye anotipa simba remweya patinonzwa tapera simba.

nyore … chiedza

Kutora joko reMuponesi patiri zvinoreva kuzvisunganidzira kwaAri kuburikidza nezvibvumirano. Zvinoreva kupa mwoyo yedu kwaAri nebasa Rake. Patinoita izvi, mitoro yedu inoreruka nekuti Ari kutibatsira.

Dhinda