“Zvino Kristu Wakamuka,” For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Gunyana 2023.
Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Gunyana 2023
Zvino Kristu Wakamuka
Dzidza izvo muApositora Pauro zvaakadzidzisa pamusoro peKumuka Kuvakafa kwaJesu Kristu.
zvino Kristu wakamuka kuvakafa
Jesu Kristu akafa pamuchinjikwa, akavigwa mubwiro, uye akamuka kubva kuvakafa pazuva rechitatu.
zvibereko zvokutanga zvavakavata
Shoko rechiGiriki rakashandiswa pano rokuti zvibereko zvokutanga rinoreva zvirimwa zvokutangisisa zvegore. Ndizvo zvinotanga kukohwewa—zvokutanga pane zvakawanda zvichauya.
Ndevo yokuti avo vakavata inoreva “avo vakafa.”
Jesu Kristu ndiye aiva wokutanga kumuka kuvakafa, uye mushure moKumuka Kuvakafa Kwake, vanhu vose vanozomuka kuvakafa.
nemunhu rufu rwakauya
Izvi zvinotaura pamusoro paAdama. Kuputsika kwake kwakareva kuti vanhu vose avo vaizouya munyika vaizofa. (Ona Mosesi 4.)
muna Kristu vose vachararamiswa
Nokuda kwoKumuka Kuvakafa kwaJesu Kristu, vanhu vose vanozomuka kuvakafa. Izvi zvinoreva kuti munhu wose uyo akamborarama kana anozorarama anozomukafa kuvakafa. Mweya yedu inozobatana zvakare nemiviri yedu, uye miviri yedu inova yakarurama uye isingafi. (Ona Aruma 11:43–45.)
© 2023 ne Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly For the Strength of Youth Message, September 2023. Language. 19045 731