“Vakafa Vanozomira Pamberi paMwari,” ZveRusimbiso rweVechidiki, Zvita 2023.
Shoko reMwedzi Woga Woga reZveRusimbiso rweVechidiki, Zvita 2023
Vakafa Vanozomira pamberi paMwari
Muzvakazarurwa zvake, Johane akaona Mutongo Wekupedzisira.
vakafa, vaduku navakuru, vanomira pamberi paMwari
Simba reKumuka Kuvakafa kwaJesu Kristu rinounza vanhu vose pamberi paMwari kuti vatongwe (ona Aruma 11:42–44; 33:22; 40:21; Hiramani 14:15–17; Mormoni 9:13–14).
mabhuku akazarurwa
Mabhuku aya anomiririra zvinyorwa zvakachengetwa panyika zveizvo zvakaitwa nevanhu panyika kutevere gwara rechibvumirano (ona Dzidziso neZvibvumirano 128:7).
bhuku roupenyu
“Neimwe pfungwa Bhuku roUpenyu ihwerengedzo yepfungwa nezviito zvomunhu—rondedzero youpenyu hwake. Zvisinei, magwaro matsvene anoratidzawo kuti zvinyorwa zvekudenga zvinochengetwa zvevakatendeka, kusanganisira mazita avo nerondedzero dzemabasa avo akarurama” (Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Bhuku roUpenyu,” scriptures.ChurchofJesusChrist.org).
tongwa
Mutongo Wekupedzisira unouya mushure mekunge vanhu vamutswa kuvakafa. Jesu Kristu anozova Mutongi womunhu mumwe nomumwe. Mutongo uyu unozotungamirira kukubwinya kwokusingaperi kunozogamuchirwa nemunhu mumwe nomumwe. (Ona Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Mutongo, Wekupedzisira,” scriptures.ChurchofJesusChrist.org; Aruma 41:3–5; Dzidziso neZvibvumirano 88:26–32;.)
maererano namabasa avo
Munhu mumwe nomumwe anozotongwa kuburikidza neizvo zvaakaita uye neizvo zvaaida (ona Dzidziso neZvibvumirano 137:9). Vanozotongwa kuburikidza nokuti vaiiva vachiteerera kumirairo yaMwari uye vakashanda muwirirano nechiedza uye chokwadi chipi nechipi chavakagamuchira muupenyu huno.
© 2023 ne Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly For the Strength of Youth Message, August 2023. Language. 19049 731