ZveRusimbiso rweVechidiki
Hukama Hwakasimba
Nyamavhuvhu 2024


Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Nyamavhuvhu 2024

Ukama Hwakasimba

Chibvumirano chinopfuura kungova chitenderano, ukama.

Mufananidzo
zvigaro zvegirini

Ndichine mufananidzo wezvigaro zvegirini zvaigarwa naGosa Pistone naGosa Morasco pavaidzidzisa mhuri yangu mumba medu kuArgentina. Vaidzidzisa nesimba rezvepamweya gurusa zvokuti mukoma wangu aiva nemakore gumi uye neni (ndiine makore mapfumbamwe) taimhanya kunobata zvigaro zvacho mushure mokunge vaenda, tichitarisira kuti taizowana rimwe resimba iroro.

Ndakakurumidza kuziva kuti simba racho raisabva muzvigaro asi raibva mukuva neukama hwechibvumirano naMwari uye naJesu Kristu.

Rubhabhatidzo Rwangu

Ndakaita chibvumirano changu chekutanga musi waMbudzi 13, 1977. Handirangariri zvizhinji pamusoro perubhabhatidzo rwangu, asi ndinorangarira Gosa Pistone vachindibatsira kupinda mumvura uye Gosa Morasco vachindisimbisa bvudzi rangu richiri nyoro. Ndinorangarirawo mufaro wandakanzwa apo shamwari itsva padzaindimbundira nekunditsvoda munzira yechiArgentina uye chido chikuru chandakanzwa chokuva mwanasikana akatendeka waBaba Vokudenga.

Mufananidzo
mhuri parubhabhatidzo

Sisita Spannaus vechidiki (varipakati) nevabereki vavo (kuruboshwe), mukoma wavo Silvina (kurudyi), naGaso Morasco.

Pashure ndakazoziva kuti mufaro wandakanzwa waibva kuchipo cheMweya Mutsvene. Ndakadzidza kuti apo pandinochengeta nerutendeko zvibvumirano zvangu naMwari, Mweya Mutsvene unozova neni. Mweya Mutsvene nderimwe remakomborero anesimba guru anobva kuukama hwechibvumirano naMwari uye naJesu Kristu.

Iyezvino, kunyangwe apo zvinangwa zvangu, pfungwa dzangu, uye nezviito zvangu pazvinotadza kuzadzikisa tarisiro, ndine chido chekuramba ndichiedza. Sei? Nokuda kwokuti kutora sakaramende kunoita kuti zvikwanisike kwandiri kuvandudza zvibvumirano zvangu uye kuita zvibvumirano zvitsa vhiki yoga yoga. Ndinotenda zvikurusa neropafadzo iroro.

Ukama hwechibvumirano Hwune Rudo neTsitsi.

Kazhinji tinonzwa kuti zvibvumirano ivimbiso dziri pakati pedu naMwari. Kunyangwe zvazvo icho chiri chokwadi, izvi handizvo zvose zvazviri. Pachokwadi, “kuchengeta chibvumirano hachisi chinhu chinoitwa pasina hanya asi ukama hwune rudo netsitsi.”

Saka unoumba sei ukama hwechibvumirano hwako naBaba Vokudenga uye neMuponesi? Vanotokuda zvakarurama uye vanoda kukuropafadza (ona 3 Nifai 14:11). Asi ukama pakati pevaviri hwunotora nguva uye hwunoda rudo kubva kumativi ose.

Unoda kupedza nguya yakanyanya kuwanda Navo here? Apo paunoita zvinhu zvaVanozoita, uri kufamba Navo! Izvi zvinogona kuva nyore sekuteerera kushamwari munguva yakaoma, kuwana nguva yokutamba nemuberekedzani, kana kusanganisira mumwe munhu anonzwa sokunge asiri chikamu cheboka renyu. Chinguva chipfupi chakapfuura, ndakapedza nguva ndichifamba naMwari kuburikidza nokutumira mashoko akarekodhwa uye akanyorwa kushamwari iri kuArgentina iyo yaiva ichinzwa kusurikirwa. Ndakasarudzawo kugara ndiine mvumo yemutemberi inoshanda kuitira kuti ndigokwanisa kupedza nguva naIshe muimba Yavo tsvene. Unokwanisa kunamata kuti uwane mazano anozokubatsira kupedza nguva naBaba Vokudenga uye neMuponesi wako.

Unoda kuVaratidza kuti unehanya here? Bata mirairo iyo yawakabvuma kuchengeta senzira yekuratidza nayo rudo, kwete semudorongodzwa wemirau. Semuenzaniso, kurarama Shoko roUngwaru, ndakadzidzira kubika zvokudya zvinovaka muviri. Zvino ndavakudzidzisawo vanasikana vangu kuita zvimwechetezvo. Apo paunochengeta mirairo yaMwari nemwoyo unoda, rudo rwako kwaVari neMuponesi rwunozokura.

Ukama hwechibvumirano hwedu naBaba Vokudenga naJesu Kristu hwunozotibatsira kuVaziva zvivirinani uye nokunyanya kuwana simba Ravo muupenyu hwedu—gurusa kupfuura ripi zvaro iro zvigaro zviviri zvegirini razvingapa. Uye simba iroro rinotishandura nariinhi nariinhi!

Noti

  1. Ann M. Madsen, in Truman G. Madsen, The Temple: Where Heaven Meets Earth (2008), 69.

Dhinda