Chii icho iwe chaunotya? Marollercoaster here? Ikirasi yemasvomhu here? Kuedza kunzwisisisa Isaya here?
Kana pamwe rutendeuko ? Kana pfungwa yekutendeuka ichiita kuti ude kuvanda pasi pemagumbeze ako kana kudya chokoreti yakawandisa, chinyorwa chino ndechako.
“Ndapota usatya kana kunonoka kutendeuka,” vakadaro Mutungamiri Russell M Nelson. Uye nechikonzero chakanaka. Hezvino zvinhu zvishoma izvo rutendeuko zvarwuri uye zvarwusiri , maererano naMutungamiri Nelson.
Mifananidzo naCorey Egbert
“‘Munhu wose anofanira kutendeuka here?’ Mhinduro ndeyekuti hongu.”
“Rutendeuko runodikanwa kubva kumunhu wose anozvidavirira uyo anoda kubwinya kwokusingaperi. Hakuna anosunungurwa pazviri. … Kutendeuka kwakakosha zvikurusa pakufambira mberi.”
Rutendeuko: Inzira yekuzvinatsurudza zuva nezuva.
Rutendeuko HARWUSI: Chiitiko chisingawanzoitika chinongoitirwa chete zvivi “zvakakomba.”
“Inzwa simba rinosimbisa rerutendeuko rwezuva nezuva—rekuita uye nokuva nani zvishoma nezvishoma zuva roga roga.
“Apo patinosarudza kutendeuka, tinosarudza kushanduka! Tinobvumira Muponesi kuti atishandure kuva mhando yakanakisisa yedu pachedu. …
“… Ishe havatarisire ururami hwakazara kubva kwatiri panguva ino mukufambira mberi kwedu kwekusingaperi. Asi Vanotarisira kuti tinyanye kuva vakachena.”
Rutendeuko: Inzira yekunzwa runyararo nemufaro.
Rutendeuko HARWUSIPO: kukuita kuti unzwe nyadzi nekutya.
“Rutendeuko … rwakakosha zvikurusa parufaro nerudekaro rwepfungwa. …
“Apo patinosarudza kutendeuka, … tinosarudza kukura pane zvepamweya uye kugamuchira mufaro—mufaro werununuro muna [Jesu Kristu].” (Onawo Aruma 36:17–23 .)
Rutendeuko: Iropafadzo kubva kuna Baba Vokudenga neMuponesi, vanotida.
Rutendeuko HARWUSI: Chirango.
“Vanhu vakawandisa vanoona rutendeuko sechirango—chimwe chinhu chinofanira kudzivirirwa kusara kwemumamiriro ezvinhu akanyanya kukomba. Asi manzwiro aya okuva unorangwa anokonzerwa naSatani. Anoedza kutivharidzira kubva mukutarisa kuna Jesu Kristu, uyo akamira nemaoko akazarurwa, achitarisira uye achida kutiporesa, kutiregerera, kutishanangura, kutisimbisa, kutichenesa, uye nokutitsvenesa.”
Kana pamwe uchinzwa kuti wakatsauka kubva munzira yechibvumirano kuenda kuresa kana kuti kwenguva yakarebesa, rega ndikuvimbise kuti izvi hazvisi chokwadi. Kuburikidza neRudzikinuro rwaJesu Kristu, ramangwana rako rinokwanisa kuva rakajeka—kunyangwe kuva rinopenya. Taura nevabereki vako uye nabhishopi wako kana mutungamiri webazi wako. … Ndapota, dzoka kumufaro neruchengeteko rwegwara rechibvumirano. Tinoda kuti uve nesu.”
Tambira Chipo Chakarurama chaMwari
Saka, wagadzirira here kuvimba neMuponesi kuti ukunde kutya kwako rutendeuko? Hauzozvidembi.
Mutungamiri Nelson vanoti: “Nokuda kwokuti nyika yaida kuponeswa, uye nokuda kwokuti iwe neni tinoda kuponeswa, [Baba Vokudenga] vakatitumira Muponesi.
“… Ngatitambirei chipo chaMwari chakarurama uye chakakosha. Ngatikandei mitoro yedu nezvivi zvedu patsoka dzeMuponesi uye tigonzwa mufaro unouya kubva kurutendeuko neshanduko.”
© 2024 by Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly For the Strength of Youth Message, September 2024. Shona. 19343 731