2000–2009
Kuunganidzwa kweIsraeri Yakaparadzirwa
Gumiguru 2006Gumiguru 2006


Kuunganidzwa kweIsraeri Yakaparadzirwa

Tinobatsira kuunganidza vakasarudzwa vaIshe kumativi ese echidzitiro.

Mabhuratha nemasisita angu vanodikanwa, ndinokutendai nerutendo rwenyu, kuzvipira kwenyu, uye nerudo rwenyu. Tinogoverana basa gurusa rokuva avo Ishe vavanoda kuti tive uye nekuita izvo Ivo zvavanoda kuti tiite. Tiri chikamu chechiitiko chikuru—kuunganidzwa kweIsraeri yakaparadzirwa. Ndinotaura nezve dzidziso iyi nhasi nekuda kwekukosha kwakasiyana kwayo muchirongwa chokusingaperi chaMwari.

Chibvumirano chaAbrahama

Kare kare, Ishe vakakomborera Baba Abrahama nechivimbiso chekuita zvizvarwa zvake vanhu vakasarudzwa.1 Nongedzero kuchibvumirano ichi dzinowanikwa mumagwaro matsvene mese. Zvakasanganisirwa zvaiva zvivimbiso zvekuti Mwana waMwari aizouya kuburikidza nemudzinza raAbrahama, kuti dzimwe nzvimbo dzaizova nhaka yavo, kuti marudzi nemhuri dzepanyika dzaizokomborerwa kuburikidza nezvibereko zvake, uye nezvimwe zvivimbiso zvizhinji.2 Kunyangwe zvimwe zvikamu zvechibvumirano ichochi zvakatozadzikiswa, Bhuku raMormoni rinodzidzisa kuti chibvumirano chaAbrahama ichi chinozozadzikiswa mumazuva ano ekupedzisira chete!3 Chinosimbisawo kuti tiri pakati pevanhu vechibvumirano vaIshe.4 Wedu isu mukana wekuti titore chinhano pachezvedu mukuzadzikiswa kwezvivimbiso izvi. Inguva inonakidza zvakadii yekurarama!

Israeri Yakava Yakaparadzirwa

Sezvizvarwa zvaAbrahama, marudzi eIsraeri yechinyakare aiva nemvumo kuhupirisita uye nemakomborero evhangeri, asi pokupedzisira vanhu vacho vakapanduka. Vakauraya vaporofita uye vakarangwa naIshe. Marudzi gumi vakatakurwa senhapwa kuendeswa muAsiria. Kubva ipapo vakava vakarasika kurondedzero dzezve vanhu. (Zviripachena kuti, marudzi gumi aya haana kurasika kuna Ishe.) Marudzi maviri akasara akaenderera mberi kwenguva pfupi zvino, nekuda kwehupanduki hwavo, vakatorwa senhapwa vakaendeswa kuBabironi.5 Apo pavakadzoka, vakaropafadzwa naIshe asi zvakare havana kuMukudza. VakaMuramba uye vakaMunyomba. Baba vaiva nerudo asi vaichema vakapika vachiti, “Ndichakuparadzirai pakati pevahedheni,”6 uye izvi Vakazviita—Vakavaparadzira kumarudzi ose.

Israeri Inozounganidzwa

Vimbiso yaMwari yekuunganidzwa kweIsraeri yakaparadzirwa yaive yakatsanangurwawo zvimwechetezvo uye zvakajeka.7 Isaya, semuenzaniso, akafanoona kuti mumazuva ekupedzisira Ishe vaizotuma “nhumwa dzinokurumidza” kuvanhu ava vaive “vakaparadzirwa uye vasina chidziviriro.”8

Vimbiso iyi yekuunganidzwa, inowanikwa mundima dzakawanda dzemagwaro matsvene, dzinozozadzikiswa muchokwadi sekuzadzikiswa kwakaitwa huporofita hwekuparadzirwa kweIsraeri.9

Chechi yaJesu Kristu Pakati Penguva uye Kutsauka

Kurovererwa pamuchinjikwa Kwake kusaiti kwaitika, Ishe Jesu Kristu akanga amisa Chechi Yake. Yaisanganisira vaapositori, vaporofita, vane makumi manomwe, vadzidzisi, uye nevamwe vakangodaro.10 Uye Tenzi akatumira vadzidzi Vake munyika kunoparidza vhangeri Rake.11

Mushure mechinguva Chechi sekumiswa kwayakaitwa naIshe yakawira mukuora kwepamweya. Zvidzidziso Zvake zvakachinjwa; zvisungo Zvake zvakashandurwa. Kutsauka Kukuru kwakauya sekufanotaurwa kwazvakaitwa naPauro, uyo aiziva kuti Ishe havaizoya zvakare “kunze kwokunge kutsauka kwatanga kuuya.”12

Kutsauka Kukuru uku kwakatevedzera mutoo wakanga wagumisa mukuwo woga woga wakanga wapfuura. . Mukuwo wekutangisisa waive munguva yaAdama. Zvino kwakazouya mikuwo yaEnoki, Noa, Abrahama, Mosesi, uye nevamwewo. Muporofita mumwe nemumwe akanga aine basa rehumwari rokudzidzisa nezve humwari uye dzidziso dzaIshe Jesu Kristu. Mumukuwo wega wega, dzidziso idzi dzaiitirwa kubatsira vanhu. Asi kusateerera kwavo kwakakonzeresa kutsauka. Nokudaro, mikuwo yakare yose bh yaiva nenguva shoma uye iri munzvimbo diki. Yaiva nenguva shoma nokuti imwe neimwe yakagumisira mukutsauka. Yaiva iri munzvimbo diki chete yepanyika pose.

Kudzorerwa kweZvinhu Zvose

Nokudaro kudzorerwa kwakazara kwaidikanwa. Mwari Baba naJesu Kristu vakasheedza Muporofita Joseph Smith kuti ave muporofita wemukuwo uno. Masimba ose ehumwari emikuwo yakapfuura aifanira kudzorerwa kuburikidza nemaari.13 Mukuwo uno wekuzara kwenguva hawaizova nenguva shoma kana nzvimbo diki. Hawaizoperera mukutsauka, uye waizozadza nyika yose.14

Kuunganidzwa kweIsraeri—Chikamu Chakakosha zvikuru cheKudzorerwa kweZvinhu Zvose

Sekuporofitwa kwazvakaitwa naPetro uye naPauro, zvose zvinhu zvaizodzorerwa mumukuwo uno. Naizvozvo, kunofanira kuuya, sechikamu chekudzorerwa ikoko, kuunganidzwa kweIsraeri yakaparadzirwa uko kwaiva kwakamirirwa kwenguva yakareba.15 Chiitiko chakakoshesa chichaitika nenguva iri pedyopedyo neKuuya kweChipiri kwaIshe.16

Dzidziso iyi yekuunganidzwa ndiyo imwe yezvidzidziso zvakakosha zveChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira. Ishe vakazivisa pachena kuti: “Ndinokupai chiratidzo … kuti ndichaunganidza, kubva mukupararira kwavo kwenguva refu, vanhu vangu, imba yaIsraeri, ndichamisa zvakare pakati pavo Zioni yangu.”17 Kuuya kweBhuku raMormoni chiratidzo kunyika yose chekuti Ishe vakatangisa kuunganidza Israeri uye nokuzadzikisa zvibvumirano zvaVakaita naAbrahama, Isaka naJakobo.18 Hatingodzidzise chete dzidziso iyi, asi tinotorawo chinhano mairi. Tinoita izvi apo patinobatsira kuunganidza vakasarudzwa vaIshe pano panyika pamwechete nekunyika yemweya.

Bhuku raMormoni rakakosha zvikuru kubasa iri. Rinozivisa pachena ndzidziso yekuunganidzwa.19 Rinoita kuti vanhu vadzidze nezva Jesu Kristu, kutenda muvhangeri Rake, uye nekupinda muChechi Yake. Pachokwadi, dai painge pasina Bhuku raMormoni, kuunganidzwa kweIsraeri kwakavimbiswa hakwaizoitika.20

Kwatiri zita rinokudzwa raAbrahama rakakosha. Rinotaurwa mundima dzakawanda dzezvinyorwa zvitsvene zvekuDzorerwa kupinda mundima dzose dzemuBhaibheri.21 Abrahama akabatanidzwa kunhengo dzose dzeChechi yaJesu Kristu yeVatendi veMazuva Ekupedzisira.22 Ishe vakasimbisa zvakare chibvumirano chaAbrahama muzuva redu kuburikidza neMuporofita Joseph Smith.23 Mutemberi tinogamuchira makomborero edu ekupedzisira, sezvibereko zvaAbrahama, Isaka, naJakobo.24

Mukuwo weKuzara kweNguva

Mukuwo wekuzara kwenguva uno wakafanoonekwa naMwari senguva yekuungana, zvose kudenga uye nepanyika. Petro aiziva kuti mushure menguva yekutsauka, kudzorerwa kwaizouya. Iye, uyo akanga aina Ishe paGomo reKushandurwa, akazivisa pachena kuti:

“Naizvozvo tendeukai, mudzoke, kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti nguva dzekusimbiswa dzinobva kuna Ishe dzisvike; …

“Iye unofanira kugamuchirwa kudenga kusvikira nguva yekudzorerwa kwezvinhu zvose, yakarehwa naMwari nemuromo wavaporofita vake vatsvene kubva pakutanga.”25

Munguva yanhasi vaApositora Petro, Jakobo, uye naJohane vakatumwa naIshe “nemakiyi eumambo [Hwavo], uye mukuwo wevhangeri wenguva dzekupedzisira; uye wekuzara kwenguva,” umo “maVanozounganidza pamwechete muchinhu chimwechete zvose zvinhu, zvose zviri kudenga, neizvo zviri panyika.”26

Mugore ra1830 Muporofita Joseph Smith akadzidza nezve nhumwa yekudenga ainzi Eria, uyo aiva nemakiyi okuunza kuitika “kwekudzorerwa kwezvinhu zvose.”27

Mushure memakore matanhatu Temberi yeKirtland yakakumikidzwa. Mushure mekutambirwa kweimba tsvene iyi naIshe, nhumwa dzekudenga dzakauya nemakiyi ehupirisita. Mosesi akazviratidza28 “uye akapa … makiyi ekuunganidzwa kweIsraeri kubva kumativi mana epasi, uye neekutungamira marudzi gumi kubva kunyika yekuchamhembe.

“Mushure meizvi, Eria akazviratidza, uye akapa mukuwo wevhangeri raAbrahama, achiti matiri nemuzvibereko zvedu zvizvarwa zvose mushure medu zvinozoropafadzwa.”29

Nokudaro Erija muporofita akauya uye akazivisa achiti, “Tarisai, nguva yasvika zvinhu zvizere, iyo yakataurwa nezvayo nemuromo waMaraki—achipupura kuti iye [Erija] achatumwa, zuva guru uye rinotyisa raIshe risati rauya—uye agotendeudza mwoyo yemadzibaba kuvana, uye nemwoyo yevana kumadzibabaavo, kuitira kuti panyika pose pasarohwa nechituko.”30

Zviitiko izvi zvakaitika musi waKubvumbi 3, 1836,31 uye nokudaro zvakazadzisa huporofita hwaMaraki.32 Makiyi anoyera emukuwo uno akadzorererwa.33

Kuunganidzwa kweMweya kune Rimwe Divi reChidzitiro

Zvinetsitsi, kukokwa kuti “huyai kuna Kristu”34 kunogona kupihwawo kune avo vakafa vasina ruzivo rwevhangeri.35 Chikamu chegadziriro yavo chinoda kushanda nesimba panyika kwevamwe. Tinounganidza machati anotaridza mutsetse wemadzitateguru togadzira mapepa emapoka emhuri, uye toita basa romutemberi takamirira vamwekuitira kuunganidza vanhu kuna Ishe uye nekumhuri dzavo.36

Kutora Chinhano mukuUnganidzwa: Tsidziro yeChibvumirano

Pano panyika, basa reushumiri rakakoshesa mukuunganidzwa kweIsraeri. Vhangeri raifanira kuendeswa pakutanga “kuhwayi dzakarasika dzeimba yeIsraeri.”37 Naizvozvo, varanda vaIshe varikuenda mberi vachizivisa nezve Kudzorerwa. Mumarudzi mazhinji vashumiri vedu vakatsvaga avo veIsraeri vakaparadzirwa,vakavavhima kubva mumwena yematombo; uye vakavaredza sezvaiitwa mumazuva ekare.38

Sarudzo yekuuya kuna Kristu haina chekuita nekunogarwa nemunhu, asi chitsidzo chemunhu pachake. Vanhu vanogona “kuzounzwa kuruzivo rwaIshe”39 vasingabve munyika dzavo dzavanogara. Zvechokwadi, mumazuva ekutanga eChechi, rupinduko rwaireva kutamawo. Asi iyezvino kuunganidzwa kunotora nzvimbo munyika imwe neimwe. Ishe vakatema kumiswa kweZioni40 munyika umo maVakapa Vatendi Vavo nzvimbo yokuzvarirwa uye yeugari yavo. Chinyorwa chitsvene chinofanotaura kuti vanhu “vachaungana kumusha munyika dzenhaka yavo, uye vachagara munyika dzavo dzose dzechipikirwa.”41 “Nyika yega yega inzvimbo yekuungana yevanhu vayo.”42 Nzvimbo yekuungana yeVatendi vekuBrazil iri muBrazil, nzvimbo yekuungana yeVatendi vekuNigeria iri muNigeria, nzvimbo yekuungana yeVatendi vechiKorean iri muKorea uye zvichienda zvakadaro. Zioni ndiyo “vakachena mumwoyo.”43 Zioni ndiyo kupi zvako kunowanikwa Vatendi vakarurama. Zvishambadzwi, nhaurirano uye nemagungano zvava zvokuti dzingangova nhengo dzose dzava kukwanisa kuwana dzidziso, makiyi, zvisungo uye nemakomborero evhangeri zvisinei kuti vanogara kupi.

Kuchengetedzwa pamweya kunozogara kuri maererano nokuti munhu anorarama sei upenyu hwake, kwete kuti ndokupi kwaanogara. Vatendi munyika dzose vanekodzero yakafanana kumakomborero aIshe.

Basa iri raSamasimba Mwari ndere chokwadi. Mupenyu. Jesu ndiye Kristu. Ino iChechi Yake, yakadzorerwa kuitira kuzadzikisa chinangwa chayo chehumwari, kusanganisira kuunganidzwa kweIsraeri kwakavimbiswa. Mutungamiri Gordon B.Hinckley muporofita waMwari nhasi. Saizvozvo ndinopupura nemuzita raJesu Kristu, ameni.

Dhinda