Nhoroondo yeChechi
Nguva Dzakanaka neNguva Dzakaipa


“Nguva Dzakanaka neNguva Dzakaipa,” Nhoroondo dzePasi Rose: Zimbabwe (2022)

“Nguva Dzakana neNguva Dzakaipa,” Nhoroondo dzePasi Rose: Zimbabwe

Nguva Dzakanaka neNguva Dzakaipa

Vatendi vaMazuva Ekupedzisira muZimbabwe vakashingirira nemunguva dzematambudziko makuru.

Kubvira muna 2007 kusvika muna 2009, nyika yakasangana nekusanaya kwemvura, kukwira kukurusa kwemitengo yezvinhu, kupararira kwechirwere chekorera, uye hurombo nekusagadzikana kwevanhu zvinoenderana nematambudziko aya. “Raiva dambudziko gurusa. Nokuda kwokuti vanhu vaitambura, uye kwaiva kusina zvakakwana,” Nyikadzino Madzonga, uyo panguva iyoyo aishanda semutungamiri weBazi rekuChitungwiza, akarangarira. “Waikwanisa kuenda nebhara rakazara mari kunotenga bhokisi remachisa.” Nhengo dzebazi idzo dzaiva nezvokudya dzaizviunza kuchechi, uye nhengo dzeChita cheRubatsiro dzaishanyira mhuri uye dzodoma avo vaida rubatsiro urwu nokukurumidza. MaMutare, vatungamiri vedunhu vakasuma kuti apo pavaishanyira mhuri dzaiva nhengo, vachivaunzira zvokudya nezvimwe zvakakosha, dzimwe nguva vaisvika vowana vana vaine poto chete yemvura inovira sechokudya.

Muna 2012, chitoro chikuru muBindura uko Plaxedes Nyasondo Nyanhamo kwaakanga ashanda kwamakore mazhinji chakaerekana chavhara. “Ndakanga ndiine mwanakomana muchikoro chebhodhingi. Taiva tichiri kurenda. Ndakanga ndisina chimwe chinhu chokuita panguva iyoyo,” akarangarira. “Ndaiva nezvinetso mukubhadhara chegumi changu uye pokupedzisira ndakaregera. Ndakanga ndisina mari yokuriritira mhuri yangu.”

Munguva yokurasikirwa nemari yokutambira, Plaxedes akanzwa kuremerwa kukuru. “Ndakanetsekana zvikuru panyama nepamweya,” akarangarira. “Haukwanisi kana kunangisa pfungwa pachinhu, saka unofa pamweya, zvishoma nezvishoma.” Akafunga kutanga bhizinesi rokubika zvokudya. Akatengesa mbatya dzake uye ne$20 akatenga upfu (chibage chakagayiwa), nyama, muriwo, matomatisi, uye neonyeni. Akazvibika mumapoto makuru mana nerubatsiro rwemunin’ina wake nemwana wemunin’ina wake. “Takawana purofiti ye100%,” “Kwenguva yokutanga ndakawana $40. Zvino ndakatora $40 iyoyo zvakare, ndikanotengazve zvipi nezvipi zvazvo zvaizoshandiswa. Ndaiva ndiri kudzidza. … Ndainamata kuna Ishe kuti vazonditungamirira.”

Muna 2014, akapinda muboka reStarting and Growing My Business nechirongwa chekuzviriritira cheChechi. Akadzidza pamusoro pokuparadzanisa mari dzebhizinesi kubva kumari yemhuri uye kuchengeta marekodzi kuitira kuti azive kana aiva ari kuita purofiti. Danho guru mubhizinesi rake rakauya apo paakafanira kutora vashandi vakati wandei. Rimwe raiva rechibvumirano chokubikira zvokudya musangano mukuru wechechi yemunharaunda wemazuva matatu waiva navanhu vaipfuura mazana matanhatu vaiupinda.

Nevashandi vakadzidziswa zvakanaka zvikuru uye nechirongwa cheakaunzi chakasimba, Plaxedes akakwanisa kusiya basa kuitira kuti atore chinhanho mumabasa eChechi. “Ndakaisa zvirongwa zvakawanda zvikuru zvokushandisa,” akadaro. “Ndinonyora pasi kana paine kurasikirwa kupi zvako. Uye ndinonyora pasi zvinhu zvose zvandinoita, mari yemibairo, marisiti. … Iyezvino ndavakukwanisa kubhadhara chegumi changu.”

“Mwari havazombofi vakatiisa mumamiriro ezvinhu ayo Ivo avanoziva kuti hatizokwanisi kupfuura nemaari,” akafungisisa. “Kunyangwe mubhizinesi, hazvifambi zvakatsetseka—dzimwe nguva dzakanaka uye dzimwe dzakaipa. Asi tinofanira kushingirira uye kuva nerutendo muna Jesu Kristu, kuti Anozotibatsira kukunda.”

Dhinda