Nhoroondo yeChechi
Mhuri Dzinogara Kunze kweNyika


“Mhuri Dzinogara Kunze kweNyika,” Nhoroondo dzePasi Rose: Zimbabwe (2022)

“Mhuri Dzinogara Kunze kweNyika,”

Mhuri Dzinogara Kunze kweNyika

Mufananidzo
Bhuku raMormoni reShona

Bhuku raMormoni muShona

Muna 1996, Dorothy naAbisha Peter Tembo vakatama nemhuri yavo kuenda kuSouth Africa, pokutanga vachironga kugara kwemakore matatu apo Peter achidzidza tekinoroji itsva yezvemicheka. “Takaita shamwari muChechi, uye zvaiva zvakanaka zvikuru, rubatsiro rwupi nerwupi rwataida, taiva neChechi,” Dorothy akarangarira. “Zvakatibatsira kugara zviri nyore” Apo kambani yaPeter payakazopedzisira yatamira kuBotswana, mhuri iyi yakasarudza kusara muSouth Africa. Pokupedzisira vaviri vevanasikana vana Tembo vakadzidza kuBYU–Provo neBYU–Hawaii uye iyezvino vavakugara kuGermany neIreland.

Pokutanga, Dorothy, uyo akanga ashanda semudzidzisi wekuchikoro, haana kukwanisa kuwana nzvimbo itsva yokudzidzisa yakakodzera. Akapedza zhinji yenguva yake achidhiraivha nhengo dzemhuri kubasa nekuchikoro. Pashure akazotanga kushanda semududziri weChechi, iro rakazova basa rake renguva dzose.

Kushanda kwemhuri kune dzimwe nyika kwakavabvumira kubatsira kutsigira mhuri muZimbabwe. “Tanga tiri ropafadzo, nokuva kunze kwenyika, nokuda kwokuti tinotumira mari kumusha,” Dorothy akadaro. “Ndizvo zviri kuitwa nemaZimbabwean akawanda ari mhiri kwemakungwa.”

Semududziri weChechi,Dorothy akashanda mutimu yakaburitsa mabhuku eShona eBhuku raMormoni, Dzidziso neZvibvimirano, neDombo reMutengo Mukuru muna 2007. Muna 2020, iye naNolleen Chidzawo, mumwe sisita wekuZimbabwe anogara muSouth Africa, vakashanda kuwongorora dudziro iyi, vachishandisa duramanzwi redudziro yemagwaro matsvene. “Kana tisina mashoko [muShona] anoenderena neChirungu, tinotsvaka akafanana zvikuru nawo,” akatsanangura. “Iyezvino nokuda kwezvishandiso zvatiinazvo tinokwanisa kugadzirisa mabhuku aya uye kuita kuti ave akadudzirwa zvakanyanya kururama kupfuura okutanga.”

Dhinda