2012
Munamato Wangu weRutendo
Kukadzi 2012


Vechidiki

Munamato Wangu weRutendo

Apo pandakanga ndiine makore gumi nemasere, ndaishanda muchitoro chinotengesa midziyo yakavezwa neimwe yekushongedza mumba semutengesi. Nguva dzekushanda kwangu dzakanga dzakaoma zvikuru. Ndaishanda kubva na8 mangwanani kusvika na10 manheru, kubva musi weMuvhuro kusvika musi weMugovera. Ndaisuwa nokuti ndakanga ndisingakwanise kutora chinhano muzvidzidzo zveinisitichuti nezvimwe zviitwa zveChechi.

Ndakatanga kunamata kunaBaba Vekudenga nerutendo rukuru kuVakumbira kuti vandibatsire kuwana basa uko kwandainge ndisingazoshanda musi weMugovera kuitira kuti ndigokwanisa kuenda kuinisitichuti nekune zvimwe zviitwa.

Rimwe zuva ndiri pabasa ndaibatsira mumwe murume. Takatanga kutaura, uye akati anoshanda mubhangi guru. Ndakabvunza kuti ndingakwanise sei kukwikwidzawo kuti ndiwane basa mubhizinesi iri. Akandipa zita rake nenhamba yake yerunhare uye akandiudza kuti ndaikwanisa kuchaira runhare munhu anopinza vashandi vatsva basa uye ndotaura kuti ndaiziva iye murume uyu. Ndakaenda kubhangi uku uye ndikanonyora bvunzo dzaidikanwa. Ndakabudirira uye ndikatanga kushanda maawa matanhatu pazuva kubva musi weMuhvuro kusvika musi weChishanu, ndichitambira mari yakanga yakawanda kakapetwa katatu kupfuura yandaitambira kwandakabva.

Ndinoziva Ishe vanotitungamirira apo patinoita chido chekuVaisa ivo pekutanga muzvinhu zvedu zvose. Vari kunditungamirira kunyange nanhasi. Ndinoziva kuti musimboti wemunamato ndewechokwadi.

Dhinda