Mirairidzo yeZvidzidzo
Mirairidzo yeZvidzidzo zva2021


“Mirairidzo yeZvidzidzo zva2021,” Mirairidzo yeZvidzidzo zva2021 (2020)

“Mirairidzo yeZvidzidzo zva2021,” Mirairidzo yeZvidzidzo zva2021

Mufananidzo
mhuri ichiverenga magwaro matsvene

Mirairidzo yeZvidzidzo zva2021

Gwaro rino rinodorongodza zvishandiso zvezvidzidzo zveChechi zvinozoshandiswa muna 2021. Kumitauro mizhinji, zvishandiso izvi zvinowanikwa paindaneti muapu yeRaibhurari yeVhangeri uye pa ComeFollowMe.ChurchofJesusChrist.org. Zvinhu zvitsva zva2021 zvinoratidzwa.

Vanhu Pachavo neMhuri

CHITSVA Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (16587)

Kana nhengo dzechikamu chenyu dzichitaura mutauro weHiligaynon, Sinhala, Turkish, Hindi, Tamil, Telugu, kana Urdu, shandisai Come, Follow Me—For Individuals and Families: New Testament 2021 (16899).

Bato reVana Vadiki

Kirasi yeNesari (Kubva pazera remwedzi 18 kusvika paMakore 2)

Behold Your Little Ones: Nursery Manual (37108)

Nguva Yekuimba uye Makirasi Ese eBato reVana Vadiki (Mazera 3–11)

CHITSVA Come, Follow Me—For Primary: Doctrine and Covenants 2021 (16588)

Kana nhengo dzechikamu chenyu dzichitaura mutauro weAmharic, Hiligaynon, Hindi, Hmong, Icelandic, Lao, Lingala, Serbian, Shona, Sinhala, Slovak, Slovenian, Tamil, Telugu, Turkish, Urdu, Xhosa, kana Zulu, torai mazano kubva muHuyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri uye moashandisa zvinoenderana neBato reVana Vadiki, kana kuti shandisai mamwe mabhuku ezvidzidzo eChechi evana.

Chikoro cheSvondo

Chikoro cheSvondo cheVakuru uye cheVechidiki

CHITSVA Huyai, Munditevere—Bhuku reChikoro cheSvondo: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (16589)

Kana nhengo dzechikamu chenyu dzichitaura mutauro weAmharic, Hiligaynon, Hindi, Hmong, Icelandic, Lao, Lingala, Serbian, Shona, Sinhala, Slovak, Slovenian, Tamil, Telugu, Turkish, Urdu, Xhosa, kana Zulu, torai mazano kubva muHuyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri uye moashandisa zvinoenderana neChikoro cheSvondo, kana kuti shandisai mamwe mabhuku ezvidzidzo eChechi.

Chikwata cheMagosa neChita cheRubatsiro

Kudzidza kubva mumashoko eMusangano Mukuru” (zvinyorwa zvakadhindwa izvo zvinowanika muzvishambadzwi zvemusangano mukuru zveEnsign kana Liahona)

Kana nhengo dzechikamu chenyu dzichitaura mutauro weAmharic, Hiligaynon, Hindi, Hmong, Icelandic, Lao, Lingala, Serbian, Shona, Sinhala, Slovak, Slovenian, Tamil, Telugu, Turkish, Urdu, Xhosa, kana Zulu, dzidzisai kubva mumashoko emusangano mukuru uchangobva kuitwa ayo anozadzikisa zvidikanwi zvechikwata chemagosa chenyu kana Chita cheRubatsiro, kana kuti shandisai mamwe mabhuku ezvidzidzo eChechi.

Hupirisita hwaAroni uye Vasikana Vechidiki

CHITSVA Come, Follow Me—For Aaronic Priesthood Quorums and Young Women Classes: Doctrinal Topics 2021 (16639)

Kana nhengo dzechikamu chenyu dzichitaura mutauro weAmharic, Hiligaynon, Hindi, Hmong, Icelandic, Lao, Lingala, Serbian, Shona, Sinhala, Slovak, Slovenian, Tamil, Telugu, Turkish, Xhosa, Zulu, kana Urdu, shandisai zvidzidzo zviri muchitsauko 3 chinowanikwa muPreach My Gospel (16229). Munogonawo kudzidzisa kubva mumashoko emusangano mukuru uchangobva kuitwa ayo anozadzikisa zvidikanwi zvevechidiki venyu.

Mapato Ese

Musangano weDare reMudzidzisi

Kudzidzisa neNzira yeMuponesi

Zvimwe Zvidzidzo (kana mabhuku edzidziso aripo)

Zvidzidzo zvekusimbisa muchato nemhuri, zvegadziriro yekutemberi, uye zvegadziriro yehushumiri hazvizoitwi muawa yechipiri yechechi. Zvisinei, nesarudzo yabhishopi uye maererano nezvidikanwi zvemunzvimbo, zvidzidzo izvi zvinogona kudzidziswa kuvanhu, kumhuri kana kuzvikwata pane imwe nguva.

Hukama hweMuchato nehweMhuri

Marriage and Family Relations Instructor’s Manual (35865) uye Marriage and Family Relations Participant’s Study Guide (36357)

Kugadzirira Temberi

Endowed from on High: Temple Preparation Seminar Teacher’s Manual (36854) uye Preparing to Enter the Holy Temple (36793)

Mirairidzo Yeodha yeZvidzidzo zveGore zveChikamu

Muna 2021, mabhishopu nevatungamiri vemapazi vanozogashira mabhuku akadhindwa eHuyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri ekupa kunhengo dzemuzvikamu zvavo. Vanozogashira bhuku rimwechete remhuri inouya kuchechi yega yega iri muchikamu chavo. Zvikamu zvemuzvimbo hazvizobhadhariswi kuwana mabhuku aya. Zvisinei, zvikamu zvinozofanira kuodha nekubhadhara mabhuku ezvidzidzo akadhindwa anoshandiswa muBato reVana Vadiki, muChikoro cheSvondo, uye muHupirisita hwaAroni nemuVasikana Vechidiki.

Munogona kuodha zvishandiso zvechikamu kutanga musi wa30 June, 2020. Tapota isayi odha yenyu musi wa31 August, 2020 usati wapfuura. Zvishandiso zvinozoodhwa mushure medheti iri zvinogona kusazouya nemusi waNdira 1, 2021. Kuti muodhe zvishandiso zvakadhindwa, endai paindaneti adhiresi inoti store.ChurchofJesusChrist.org, sarudzai pakanzi Units and Callings, uye zvino mosarudza pakanzi Annual Curriculum.

Fungai pamusoro pemibvunzo inotevera kukubatsirai kudzivirira kuodha mabhuku akawanda kupfuura anodikanwa:

  • Mabhuku mangani akadhindwa echinhu chimwe nechimwe amuinawo nechekare muchikamu chenyu?

  • Vadzidzisi vangani vanoshandisa mabhuku epaindaneti panzvimbo pemabhuku akadhindwa?

Zvishandiso zveAvo Vakaremara

Zvishandiso zverudzi rwekuridza, zvebraille, uye zviri mumavara makuru zvinowanikwawo paindaneti adhiresi inoti store.ChurchofJesusChrist.org.

Dhinda