Chitsauko 6
Nifai anonyora pamusoro pezvinhu zvaMwari—Chinangwa chaNifai chiri chokunyengetedza vanhu kuti vauye kuna Mwari waAbrahama vaponeswe. Zvingangove makore 600 kusvika ku592 Kristu asati azvarwa.
1 Uye zvino ini Nifai, handipe nhoroondo yekuberekwa kwemadzibaba angu muchikamu chino chezvinyorwa zvangu; uye hapana imwe nguva yandichazorwupa pamahwendefa andiri kunyora aya; nokuti zviri pazvinyorwa zvakachengetwa nababa vangu; naizvozvo, handizvinyore mubasa rino.
2 Nokuti ini ndakagutsikana kutaura kuti tiri chizvarwa chaJosefa.
3 Zve hazvindinetse kuti handisi kunyora nyaya yose yezvinhu zvababa vangu, nokuti hazvinganyorwe pamahwendefa aya, nokuti ndinoda nzvimbo yokunyorera zvinhu zvaMwari.
4 Nokuti chido changu chizere ndechokuti ndinyengetedze vanhu vauye kuna Mwari vaAbrahama, naMwari vaIsaka, naMwari vaJakobo, kuti vagoponeswa.
5 Naizvozvo, zvinhu zvinofadza nyika handinyore, asi zvinhu zvinofadza Mwari neavo vasiri venyika.
6 Naizvozvo, ndichapa murairo mbeu yangu, kuti vasazozadza mahwendefa aya nezvinhu zvisingakodzeri kuvana vavanhu.