Magwaro Matsvene
2 Nifai 14


Chitsauko 14

Zioni nevanasikana vake achanunurwa nekucheneswa mumazuva ezviuru zvamakore—Enzanisai naIsaya 4. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati azvarwa.

1 Uye muzuva iroro, vakadzi vanomwe vachabata murume mumwechete, vachiti: Tichazvitsvagira zvekudya, uye tigozvipfekedza; tinongoda kudaidzwa nezita rako chete kuti tisanyare.

2 Muzuva iroro vebazi raIshe vachave vakanaka zvikuru nokubwinya; muchero wenyika uchave wakanakisisa nekusevenza kune avo vakapunyuka vaIsraeri.

3 Uye zvichaitika kuti, avo vachasiiwa muZioni uye vachisara vari muJerusarema vachadaidzwa kunzi vatsvene, wose akanyorwa pavapenyu vari muJerusarema—

4 Apo Ishe vachinge vashambidza tsvina yevanasikana veZioni, uye vachinge vasuka ropa reJerusarema pakati pavo nemweya wekutonga nemweya wekupisa.

5 Uye Ishe vachaita kuti pamba pega-pega mugomo reZioni, nepaunganwa paro, paite gore reutsi masikati nekupenya kwemarimi emoto usiku; nokuti pose panokubwinya kwaZioni pachadzivirirwa.

6 Uye pachave netabernakeri yemumvuri masikati kuchipisa, uye yovewo nzvimbo yokuvanda, uye mhepo nemvura.

Dhinda