“Kumisa Chechi yaJesu Kristu Friend (Shamwari), Kurume 2021
Shoko reMwedzi Woga Woga Friend (Shamwari) Kurume 2021
Kumisa Chechi yaJesu Kristu
Musi wa6 Kubvumbi, 1830, pakanga paine musangano wakakosha muimba yemapango. Joseph Smith akamisa Chechi yaJesu Kristu zvakare pasi pano.
Joseph Smith naOliver Cowdery vakaropafadza nekugovera sakaramende.
Pashure pokunge musangano wapera, vanhu vakati wandei vakabhapatidzwa.
Mushure memwedzi mishoma, Mwari vakadaidza Emma Smith kuti aise pamwechete bhuku renziyo reChechi. Nenzira iyoyo vanhu vaizokwanisa kuimba nziyo panguva yemisangano yeChechi.
Ndiri nhengo yeChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira. Ndinokwanisa kuimba nziyo nekutora sakaramende vhiki rega rega.
© 2021 by Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly Friend Message, January 2021. Shona. 17466 731