2021
Kumisa Chechi yaJesu Kristu
Kurume 2021.


“Kumisa Chechi yaJesu Kristu Friend (Shamwari), Kurume 2021

Shoko reMwedzi Woga Woga Friend (Shamwari) Kurume 2021

Kumisa Chechi yaJesu Kristu

Mufananidzo
Joseph Smith naOliver Cowdery vachironga Chechi.

Mifananidzo naApryl Stott

Musi wa6 Kubvumbi, 1830, pakanga paine musangano wakakosha muimba yemapango. Joseph Smith akamisa Chechi yaJesu Kristu zvakare pasi pano.

Mufananidzo
sakaramende pakurongwa kweChechi

Joseph Smith naOliver Cowdery vakaropafadza nekugovera sakaramende.

Mufananidzo
vanhu vachibhabhatidzwa murwizi

Pashure pokunge musangano wapera, vanhu vakati wandei vakabhapatidzwa.

Mufananidzo
Emma Smith achitungamira vanhu mukuimba

Mushure memwedzi mishoma, Mwari vakadaidza Emma Smith kuti aise pamwechete bhuku renziyo reChechi. Nenzira iyoyo vanhu vaizokwanisa kuimba nziyo panguva yemisangano yeChechi.

Mufananidzo
Musangano wePuraimari

Ndiri nhengo yeChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira. Ndinokwanisa kuimba nziyo nekutora sakaramende vhiki rega rega.

Peji Yokuisa Ruvara

Ndinofarira Kuenda kuChechi

Mufananidzo
peji yokuisa ruvara

Chii chaunofarira pamusoro pokuenda kuchechi?

Dhinda