2021
Chii Chatakaitirwa neMuponesi Wedu?
Chivabvu 2021


“Chii Chatakaitirwa neMuponesi Wedu?,” For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Chivabvu 2021.

Chikamu cheveHupirisita

Chii Chatakaitirwa neMuponesi Wedu?

Zvikamu Zvakatorwa

Mufananidzo
Bwiro raKristu risina chinhu

Chii Chatakaitirwa mumwe nemumwe wedu naJesu Kristu? Akaita zvinhu zvose zvinodikanwa kuitira rwendo rwedu nemuupenyu huno hunofa takananga kumagumo akatsanangurwa muchirongwa chaBaba vedu Vokudenga. Ndinozotaura nezve zvinhu zvina zvakanyanya kukosha zvechirongwa ichocho. …

Kumuka Kuvakafa kunotipa nzwisiso uye nesimba rekushingirira zvinetso zveupenyu huno hunofa zvinosanganikwa nazvo nemumwe nemumwe wedu uye neavo vatinoda. Kunotipa nzira itsva yekuona kusakwana kwekwaniso dzepanyama, dzepfungwa, kana dzemanzwiro emwoyo kwatiinako pakuzvarwa kana kwatinowana muupenyu hunofa huno. Kunotipa simba rekushingirira rusuwo, kundikano, uye shungurudzo.

Kumuka kuvakafa kunotipawo kurudziro yakasimba yekuchengeta mirairo yaMwari munguva yeupenyu hwedu huno hunofa. …

Muponesi uye Mununuri wedu akashingirira pakutambura kusinganzwisisike kuti ave chibairo chezvivi zvevanhu vose vaizotendeuka. Rudzikinuro rwekuzvipira urwu rwakapa sechibairo gwayana rakanaka zvikurusa, rakachena risina vara, kuitira mwero mukurusa wehuipi, zvitadzo zvepanyika pose. …

… Jesu akatidzidzisa chirongwa cheruponeso. Chirongwa ichi chinosanganisira Kusika, chinangwa cheupenyu, kudikanwa kwerupikiso, uye nechipo chekuzvisarudzira. Akatidzidzisawo mirairo nezvibvumirano zvatinofanira kutevedza uye nezvisungo zvatinofanira kuita zvinotidzosera kuvabereki vedu vokudenga. …

Muponesi wedu anonzwa uye anoziva miedzo yedu, zvinetso zvedu, marwadzo emwoyo edu, uye namatambudziko edu, nokuti Akasangana nazvo zvose mukuzvidira sechikamu cheRudzikinuro Rwake. … Vose vanotambura rudzi rwupi zvarwo rweutera hweupenyu huno hunofa vanofanira kurangarira kuti Muponesi wedu akasanganawo nerudzi irworwo rwemarwadzo, uye kuti kuburikidza neRudzikinuro Rwake, Anopa mumwe nemumwe wedu simba rekuzvitakura.

Dhinda