“Vanasikana vekwaRollins Vakadzivirira Chiitiko Chakaipa!” Friend (Shamwari), Chikumi 2021
Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Chikumi 2021
Vanasikana vekwaRollins Vakadzivirira Chiitiko Chakaipa!
Jesu Kristu akaudza Muporofita Joseph Smith zvinhu zvakawanda zvakakosha zvekutibatsira. Chechi yakagadzira muchina wekudhinda zvinyorwa kuitira kudhinda mashoko aJesu. Nenzira iyoyo vanhu vaizokwanisa kuaverenga.
Rimwe zuva, boka revarume vakashatirwa rakauya. Vakaparadza muchina wekudhinda zvinyorwa. Vakakanda mapeji emagwaro matsvene panze mumugwagwa.
Mukoma nemuninʼina vaviri vainzi Mary Elizabeth naCaroline Rollins vakaona zvakaitika. Vakamhanya uye vakaunganidza mapeji acho mumaoko avo.
Vasikana ava vakahwanda mumunda wechibage kusvikira varume vaenda. Vakanga vadzivirira magwaro matsvene! Magwaro matsvene iwayo pashure akazove chikamu cheDzidziso neZvibvumirano.
Ndinokwanisa kuverenga magwaro matsvene. Ndinokwanisa kushinga uye nekudzivirira izvo zvandinotenda kuvachokwadi.
© 2021 by Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly Friend Message, June 2021. Shona. 17470 731