2021
Shoko reUngwaru
Nyamavhuvhu 2021


“Shoko reUngwaru,” reFriend (Shamwari), Nyamavhuvhu 2021

Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Nyamavhuvhu 2021

Shoko reUngwaru

Mufananidzo
Joseph Smith achidzidzisa boka revarume

Joseph Smith akaita misangano yekudzidzisa vanhu pamusoro pevhangeri. Dzimwe nguva varume vaiputa nekutsenga fodya.

Mufananidzo
Joseph naEmma Smith

Izvi zvakanetsa Emma Smith. Utsi nefodya zvakasvibisa kwose kwose, uye zvakanga zvisingataridziki sezvakanaka. Emma naJoseph vakanetsekana kuti Mwari vainzwa sei pamusoro pazvo.

Mufananidzo
Joseph Smith achinamata

Joseph akanamata, uye Ishe vakamupindura. Ishe vakayambira nhengo dzeChechi pamusoro pekuputa uye pamusoro pefodya. Vakati zvaiva zvisina kunaka kumiviri yedu. Vakavayambirawo pamusoro pekunwa tii, kofi uye doro.

Mufananidzo
miriwo

Mwari vakati idyai michero, miriwo, uye zvimwe zvekudya zvinopa hutano. Tinodaidza dzidziso idzi kuti Shoko reUngwaru.

Mufananidzo
musikana achidya

Ndinokwanisa kurarama Shoko reUngwaru. Baba Vokudenga vanozondiropafadza apo pandinotaririra muviri wangu.

Peji Yokuisa Ruvara

Ini Ndinokwanisa Kuchengeta Muviri Wangu

Mufananidzo
vana vachisvetuka tambo

Chii chaungaita kuti uchengetedze muviri wako?

Dzvanya pamufananidzo kuti udhaunirodhe.

Mufananidzo naApryl Stott

Dhinda