“Tisati Tauya Panyika” Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Ndira 2022
“Tisati Tauya Panyika”
Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Ndira 2022
Tisati Tauya paNyika
Tisati tazvarwa, taigara kudenga naBaba vedu Vokudenga. Vakatidzidzisa pamusoro pechirongwa Chavo cherufaro.
Baba Vokudenga vakati taizouya panyika kuzowana miviri. Taizodzidza uye toita sarudzo. Dzimwe nguva taizoita zvikanganiso. Taizoda Muponesi
Muponesi aizotidzidzisa mararamiro. Uye apo pataita sarudzo isiri kwayo, taizokwanisa kutendeuka.
Jesu akati: “Ndiripano; nditumei.” Baba Vokudenga Vakamusarudza kuti ave Muponesi wedu. Jesu akavimbisa kuuya panyika kuti azotiponesa.
Ndinokwanisa kutevera Jesu? Rimwe zuva ndinokwanisa uye ndodzokera kunogara naBaba Vokudenga.
© 2021 neIntellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly Friend Message, January 2022. Shona. 18295 731