“Mosesi neMana,” Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Kukadzi 2022
“Mosesi neMana”
Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Kubvumbi 2022
Mosesi neMana
Mosesi aiva muporofita. Akatungamirira vanhu vaMwari kuenda kunyika yechipikirwa. Vakafamba kwemazuva mazhinji.
Vanhu vaiva nenzara. Vaiva vasina zvokudya. Saka Mwari vakavatumira zvokudya kubva kudenga. Zvaidaidzwa kunzi mana.
Mangwanani oga oga, vanhu vaiunganidza mana yekuti vadye. Asi yaiva isingachengeteke kudarika usiku humwechete. Vaifanira kuunganidza imwezve zuva raitevera.
Mana inotiyeuchidza nezva Jesu Kristu. Mwari vakatumira mana kuti vaponese vanhu. Vakatumirawo Jesu panyika kuti azotiponesa. Tinoda Jesu mazuva ose, sezvatinoda zvokudya mazuva ose.
Ndinozotevera Jesu. Anozondipa simba uye nekundibatsira kunzwa rudo Rwake zuva roga roga.
© 2022 neIntellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly Friend Message, April 2022. Shona. 18314 731