“Rute naNaome,” Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Chikumi 2022
“Rute naNaome”
Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Chikumi 2022
Rute naNaome
Naome nemhuri yake vakauya kunyika itsva nokuda kwenzara. Vakasangana nemusikana wechidiki ainzi Rute. Rute akachata nemwanakomana waNaome.
Zvino murume waRute akafa. Rute akasuwa zvikurusa.
Naome akasuwawo zvikurusa. Akanga asisina mhuri yaiva yasara kumuchengeta. Akasarudza kudzokera kunyika kwaaiva abva.
Naome akaudza Rute kuti adzokere kumhuri yake. Asi Rute aida Naome. Akavimbisa kuenda naNaome uye kumuchengeta.
Rute naNaome vaiva varombo. Saka Rute akashanda nesimba kuti awane zvokudya zvavo.
Rimwe zuva murume ainzi Boazi akaona Rute achiunganidza zviyo zvaiva zvasara mune mumwe weminda yake.
Boazi aiva netsitsi. Akataurira varanda vake kuti vasiye zvimwe zvokudya kuitira Rute.
Pashure Rute naBoazi vakachata. Vakaita mwana mukomana. Naome akabatsira kumuchengeta.
Ndinokwanisa kubatsira kuchengeta vamwe. Ndinokwanisa kuva netsitsi kuna avo vanoshaya.
© 2022 neIntellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly Friend Message, June 2022. Shona. 18315 731