2022
Eria uye Inzwi Rakapfava, Diki
Chikunguru 2022


“Eria uye Inzwi Rakapfava, Diki,” Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Chikunguru 2022

“Eria uye Inzwi Rakapfava, Diki”

Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Chikunguru 2022

Eria uye Inzwi Rakapfava, Diki

Mufananidzo
Eria padivi regomo

Mifananidzo naApryl Stott

Eria aiva muporofita. Aida kunzwa inzwi raMwari. Akaenda kugomo kuti anzwe inzwi raMwari zviri nani.

Mufananidzo
Eria achiona mhepo ine simba

Kwaiva nemhepo ine simba. Yaiva yakasimba zvokuti yakatsemura matombo. Mhepo yaiva iine ruzha. Asi yakanga isiri inzwi raMwari.

Mufananidzo
Eria achiona kudengenyeka kwenyika uye moto

Shure kwezvo kwakava nokudengenyeka kwenyika. Nyika yakazungunuka. Pakava nomoto zvakare. Wakanga uine marimi makuru. Asi kudengenyeka kwenyika nomoto zvaiva zvisiri inzwi raMwari.

Mufananidzo
Eria achinzwa inzwi rakapfava, diki

Zvino kwakabva kwanyarara. Eria akanzwa inzwi raMwari. Rakanga rakapfava uye riri diki. Asi rakanga rakajeka.

Mufananidzo
vanhu vari pachechi

Ndinokwanisa kunzwa inzwi raMwari nokuteerera kuMweya Mutsvene. Anotaura neni nenzira duku uye dzakareruka.

Peji Yokuisa Ruvara

Ndinokwanisa Kunzwa Mweya Mutsvene

Mufananidzo
vana vachiimba nziyo

Dzvanya pamufananidzo kuti udhaunirodhe.

Mufananidzo naApryl Stott

Chii chinokubatsira kunzwa Mweya Mutsvene?

Dhinda