“Isaya Anodzidzisa pamusoro Jesu Kristu,” Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Gunyana 2022
“Isaya Anodzidzisa pamusoro Jesu Kristu”
Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Gunyana 2022
Isaya Anodzidzisa pamusoro paJesu Kristu
Isaya aiva muporofita. Akararama Jesu Kristu asati aberekwa. Aiziva kuti Jesu aizozouya.
Isaya akati Jesu aizozvarwa seMwanakomana waMwari. Jesu aizobatsira nekuporesa vamwe.
Isaya akati Jesu aizouya panyika. Aizonzi Muchinda weRunyararo Aizopa upenyu Hwake kuitira isu nokuda kwekuti Anotida zvikuru.
Zvinhu zvakadzidziswa naIsaya zvakaitika. Kwapera makore akawanda, Jesu akauya panyika. Akatiratidza nzira. Akafa uye akararama zvakare Anorarama nhasi!
Ndinokwanisa kudzidza pamusoro paJesu Kristu. Pandinorangarira izvo zvaAkandiitira, ndinonzwa runyararo netariro!
© 2022 neIntellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro Monthly Friend Message, September 2022 Shona. 18299 731