2022
Isaya Anodzidzisa pamusoro paJesu Kristu
Gunyana 2022


“Isaya Anodzidzisa pamusoro Jesu Kristu,” Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Gunyana 2022

“Isaya Anodzidzisa pamusoro Jesu Kristu”

Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Gunyana 2022

Isaya Anodzidzisa pamusoro paJesu Kristu

Mufananidzo
Isaya achinyora

Mifananidzo naApryl Stott

Isaya aiva muporofita. Akararama Jesu Kristu asati aberekwa. Aiziva kuti Jesu aizozouya.

Mufananidzo
Isaya achitaura

Isaya akati Jesu aizozvarwa seMwanakomana waMwari. Jesu aizobatsira nekuporesa vamwe.

Mufananidzo
Josefa, Maria, nemucheche Jesu

Isaya akati Jesu aizouya panyika. Aizonzi Muchinda weRunyararo Aizopa upenyu Hwake kuitira isu nokuda kwekuti Anotida zvikuru.

Mufananidzo
Jesu Kristu akamuka kuvakafa

Zvinhu zvakadzidziswa naIsaya zvakaitika. Kwapera makore akawanda, Jesu akauya panyika. Akatiratidza nzira. Akafa uye akararama zvakare Anorarama nhasi!

Mufananidzo
amai vachiverengera vana pamusoro paJesu Kristu

Ndinokwanisa kudzidza pamusoro paJesu Kristu. Pandinorangarira izvo zvaAkandiitira, ndinonzwa runyararo netariro!

Peji Yokuisa Ruvara

Ndinokwanisa kudzidza pamusoro paJesu Kristu

Mufananidzo
Jesu Kristu akapfugama kuti ataure nemudzimai

Dzvanya pamufananidzo kuti udhawunirodhe.

Mufananidzo naApryl Stott

Ndeipi nyaya yaunonyanya kufarira pamusoro paJesu Kristu?

Dhinda