“Muporofita Petro,” Friend (Shamwari), Chikunguru 2023, 46–47.
Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Chikunguru 2023
Muporofita Petro
Mushure mokunge Jesu Kristu amuka kuvakafa uye aenda kudenga, Petro akava muporofita.
Petro akadzidzisa vanhu pamusoro perubhabhatidzo uye peMweya Mutsvene. Zviuru zvevanhu zvakasarudza kubhabhatidzwa!
Rimwe zuva Petro akaona murume kunze kwetemberi. Murume uyu aiva asingakwanisa kufamba. Petro akati, “Muzita raJesu Kristu, simuka uye ufambe.”
Murume uyu akaporeswa nokuda kwerutendo rwake! Petro akadzidzisa vanhu patemberi pamusoro paJesu Kristu.
© 2023 ne Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly Friend Message, July 2023. Language. 19045 731