2023
Jesu Akatiratidza Nzira
Nyamavhuvhu 2023


“Jesu Akatiratidza Nzira,” Friend (Shamwari), Nyamavhuvhu 2023, 4–5.

Mashoko eMwedzi Woga Woga eFriend (Shamwari), Nyamavhuvhu 2023

Jesu Akatiratidza Nzira

Mufananidzo
Alt text

Mifananidzo naDan Burr

Jesu Kristu Mwanakomana waBaba Vokudenga. Akauya panyika kuzotiratidza kuti tingadzokera sei kuna Baba Vokudenga rimwe zuva. Jesu akabhabhatidzwa. Akadzidzisa kuti tinofanira kubhabhatidzwawo.

Mufananidzo
alt text

Jesu akatiratidza mararamiro atinofanira kuita. Akada uye akabatsira munhu wose. Anoda kuti tiMutevere.

Mufananidzo
alt text

Jesu akanzwa kurwadziwa kwedu kwose uye akatambura nokuda kwezvivi zvedu. Zvino Akatifira. Urwu runonzi Rudzikinuro rwaJesu Kristu. Akamuka kuvakafa Izvi zvinoreva kuti Mupenyu nhasi! Nekuda kwaJesu Kristu, tinozoraramawo zvakare mushure mokufa.

Mufananidzo
alt text

Jesu akatiitira zvinhu zvose izvi nokuda kwokuti Anotida. Nekuda Kwake, tinokwanisa kugara naBaba vedu Vokudenga nemhuri dzedu rimwe zuva.

Mufananidzo
alt text

Tinokwanisa kutevera Jesu kuburikidza nokubhabhatidzwa. Tinokwanisawo kuMutevera zuva rega rega apo patinoda nekubatsira vamwe uye nekuchengeta mirairo Yake.

Dhinda