“Muti weUpenyu,” Friend (Shamwari), Ndira 2024, 26–27.
Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Ndira 2024
Muti weUpenyu
Rihai aiva muporofita. Mwari vakamutaurira kuti atore mhuri yake aende kunyika yechipikirwa. Apo pavaiva parwendo, akava nechiroto pamusoro pemuti wakanaka. Waidaidzwa kuti muti weupenyu.
Muti wacho waibereka muchero muchena wainaka zvikuru. Rihai akanzwa mufaro mukuru apo paakaudya! Aida kuti mhuri yake iuyedzewo.
Rihai akaonawo mutanda wesimbi uyo waitungamirira kumuti weupenyu. Vanhu vakabatirira pamutanda kuti vasvike kumuti wacho uye vagodya muchero.
Muti uri muchiroto chaRihai wakafanana nerudo rwaMwari. Mutanda wakafanana nemagwaro matsvene. Apo patinoverenga magwaro matsvene, tinouya pedyo naBaba Vokudenga naJesu Kristu.
© 2024 neIntellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly Friend Message, January 2024. Language. 19273 731