“Riahona,” Friend(Shamwari), Kukadzi. 2024, 26–27.
Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Kukadzi 2024
Riahona
Ishe vakataurira Rihai kuti aende kunyika yechipikirwa nemhuri yake. Asi vaiva vasina chokwadi chokuti vaizosvikako sei.
Ishe vakapa Rihai chishandiso chakakosha. Chaiva chakafanana nekambasi. Chainongedzera nzira yavaifanira kuenda nayo. Vakaidaidza kuti Riahona.
Apo pavaichengeta mirairo, Riahona raishanda. Raivatungamirira kune zvokudya nokudziviriro. Asi apo pavaikakavadzana uye vasingateereri, chaimira kushanda.
Mhuri yaRihai yakatevera Riahona kuitira kuti vakwanise kusvika kunyika yechipikirwa. Kana tikasarudza izvo zvakanaka, Mwari Baba vanozotitungamirirawo.
Peji Yekuisa Ruvara
Ndinokwanisa kubhabhatidzwa Sezvakaitwa Jesu.
Mufananidzo naAdam Koford
Ungagadzirira sei kubhabhatidzwa.
© 2024 ne Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly Friend Message, October 2024. Language. 19276 731