Shamwari
Zvose Zvinozonaka Nokuda kweZvibvumirano zveMutemberi
Chivabvu 2024


Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Chivabvu 2024

Zvose Zvinozonaka Nokuda kweZvibvumirano zveMutemberi

Zvikamu Zvakatorwa

Mufananidzo
alt text

USA

Mabhuratha nemasisita, ndinopupura noruninipo kuti apo patinoenda kutemberi, tinokwanisa kuyeuchidzwa nezvehunhu hwokusingaperi hwemweya yedu, ukama hwedu naBaba neMwanakomana Wavo wohumwari, uye nechido chedu chikurusa chekudzokera kumusha wedu wokudenga. …

Pasi pehutungamiri hwakafemerwa hwaMutungamiri Nelson, Ishe vakakurumidzisa, uye vanozoramba vachikurumidzisa, kuvakwa kwematemberi napanyika pose. Izvi zvinozotendera vana vose vaMwari kuwana mukana wekugamuchira zvisungo zveruponeso uye zvokusimudzirwa kumusoro-soro uye kuita nekuchengeta zvibvumirano zvinoera. …

Kutora chinhanho nguva nenguva muzvisungo zvemutemberi kunokwanisa kuumba maitiro ekuzvipira kuna Ishe. Apo paunochengeta zvibvumirano zvako zvemutemberi uye nokuzvirangarira, unokoka ufambidzani hweMweya Mutsvene kuti ukusimbisa uye kukuchenesa. …

Kuburikidza nezvibvumirano zvesunganidzo yemutemberi kunoita kuti tikwanise kugamuchira vimbiso yeyehukama hwemhuri hune rudo uhwo hwunozoenderera mberi mushure merufu uye hwunozovapa nokusingaperi. Kuremekedza zvibvumirano zvemuchato uye zvemhuri zvakaitwa mumatemberi aMwari kunozopa dziviriro kubva kuhuipi hwoundingoveni norudado. …

Miyedzo, zvinetso, uye marwadzo emwoyo chokwadi zvinozouya kwatiri tose. Hakuna mumwe wedu akadzivirirwa kubva “kuminzwa yepanyama“ [ona 2 Vakorinte 12:7–10]. Asi zvakadaro, apo patinoenda kutemberi uye torangarira zvibvumirano zvedu, tinokwanisa kugadzirira kugamuchira nhungamiro yedu pachedu kubva kuna Ishe. …

Mabhuratha nemasisita angu anodiwa, ndinopupura kuti hapana chimwe chinhu chakakosha kudarika kuremekedza zvibvumirano zvamakaita kana zvamungaita mutemberi.

Dhinda