“Mwari Vanosunungura Aruma naAmureki,” Friend (Shamwari), Chikumi 2024, 26–27.
Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari) , Chikumi 2024
Mwari Vanosunungura Aruma naAmureki
Aruma naAmureki vakaenda kuguta rainzi Amoniha. Vakadzidzisa vanhu pamusoro paJesu Kristu. Asi vanhu vakashatirwa pamusoro pezvavaidzidzisa. Vakaisa Aruma naAmureki mutirongo.
Vanhu vakakuvadza Aruma naAmureki. Vakava mutirongo kwemazuva mazhinji.
Aruma naAmureki vakanamata uye vakakumbira simba. Vavakanga vaine rutendo muna Mwari. Akavapa simba rekudambura tambo yaiva pamaoko avo.
Zvino nyika yakadengenyika. Madziro etirongo akaputsikira pasi! Mwari vakabatsira kusunungura Aruma naAmureki. Vakabva muAmoniha kunodzidzisa vamwe vanhu pamusoro paJesu Kristu.
© 2024 ne Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly Friend Message, Chikumi 2024. Shona. 19289 731