Shamwari
Mwari Vanosunungura Aruma naAmureki
Chikumi 2024


“Mwari Vanosunungura Aruma naAmureki,” Friend (Shamwari), Chikumi 2024, 26–27.

Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari) , Chikumi 2024

Mwari Vanosunungura Aruma naAmureki

Mufananidzo
Aruma naAmureki vachiparidza

Mifananidzo naAndrew Bosley

Aruma naAmureki vakaenda kuguta rainzi Amoniha. Vakadzidzisa vanhu pamusoro paJesu Kristu. Asi vanhu vakashatirwa pamusoro pezvavaidzidzisa. Vakaisa Aruma naAmureki mutirongo.

Mufananidzo
Aruma naAmureki vakasungwa mutirongo

Vanhu vakakuvadza Aruma naAmureki. Vakava mutirongo kwemazuva mazhinji.

Mufananidzo
Madziro etirongo achiwira pasi nepaiva naAruma naAmureki

Aruma naAmureki vakanamata uye vakakumbira simba. Vavakanga vaine rutendo muna Mwari. Akavapa simba rekudambura tambo yaiva pamaoko avo.

Mufananidzo
Aruma naAmureki vasisina tambo yaiva yakavasunga vakamira padutu remadziro akaputsika

Zvino nyika yakadengenyika. Madziro etirongo akaputsikira pasi! Mwari vakabatsira kusunungura Aruma naAmureki. Vakabva muAmoniha kunodzidzisa vamwe vanhu pamusoro paJesu Kristu.

Peji Yekuisa Ruvara

Ndinoziva kuti Jesu Anondida

Mufananidzo
Vana vaviri vakakomberedzwa nezvisikwa, magwaro matsvene, uye netemberi

Mufananidzo naAdam Koford

Ndezvipi zvinhu zvinokuyeuchidza nezve rudo rwaJesu Kristu?

Dhinda