“Nifai Anonamatira Vanhu,” Friend (Shamwari), Gunyana 2024, 26–27.
Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Gunyana 2024
Nifai Anonamatira Vanhu
Nifai aiva muporofita. Akatumidzwa zita raNifai uyo akatora mahwendefa endarira. Ainetsekana pamusoro pavanhu. Vakanga varega kutevera Mwari.
Nifai akaenda kubindu rake. Akakwira panharire yaiva mubindu uye akanamata kuna Mwari ari ipapo. Akanamatira vanhu.
Vamwe vanhu vakaona Nifai ari panharire. Vakamira kuti vateerere uye vakaunganidza vamwe kuti vanzwe. Apo Nifai paakapedza kunamata, akaona kuti vaiva vakatarisa uye akatanga kuvadzidzisa.
Nifai akakumbira vanhu vacho kuti vatendeuke. Vamwe vavo havana kufarira izvo zvakadzidziswa naNifai. Asi vamwe vazhinji vakateerera! Vakasarudza kutendeuka uye vakashandura nzira dzavo.
© 2024 by Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly Friend Message, September 2024. Shona. 19357 731