Shamwari
Nifai Anonamatira Vanhu
Gunyana 2024


“Nifai Anonamatira Vanhu,” Friend (Shamwari), Gunyana 2024, 26–27.

Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Gunyana 2024

Nifai Anonamatira Vanhu

Mufananidzo
Muporofita Nifai

Mifananidzo naAndrew Bosley

Nifai aiva muporofita. Akatumidzwa zita raNifai uyo akatora mahwendefa endarira. Ainetsekana pamusoro pavanhu. Vakanga varega kutevera Mwari.

Mufananidzo
Nifai achinamata ari mubindu rake.

Nifai akaenda kubindu rake. Akakwira panharire yaiva mubindu uye akanamata kuna Mwari ari ipapo. Akanamatira vanhu.

Mufananidzo
Vanhu vakatarisa Nifai achinamata; Nifai achidzidzisa vanhu

Vamwe vanhu vakaona Nifai ari panharire. Vakamira kuti vateerere uye vakaunganidza vamwe kuti vanzwe. Apo Nifai paakapedza kunamata, akaona kuti vaiva vakatarisa uye akatanga kuvadzidzisa.

Mufananidzo
Vanhu vachinamata

Nifai akakumbira vanhu vacho kuti vatendeuke. Vamwe vavo havana kufarira izvo zvakadzidziswa naNifai. Asi vamwe vazhinji vakateerera! Vakasarudza kutendeuka uye vakashandura nzira dzavo.

Peji Yekuisa Ruvara

Jesu Anotiunganidza Sekuunganidza Kunoita Nhunzvi Nhiyo Dzayo

Mufananidzo
Alt text

Mufananidzo naAdam Koford

Unonzwa sei rudo runobva kuna Jesu Kristu?

Dhinda