Shamwari
Jesu Akaropafadza Mumwechete neMumwechete
Gumiguru 2024


‌“Jesu Akaropafadza Mumwechete neMumwechete,” Friend (Shamwari), Gumiguru 2024, 26–27.

Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Gumiguru 2024

Jesu Akaropafadza Mumwechete neMumwechete

Vaporofita vachidzidzisa vaNifai

Mifananidzo naAndrew Bosley

Vaporofita vakadzidzisa vaNifai pamusoro pezviratidzo zvekufa kwaJesu Kristu. Apo paakafa, pakava rerima munyika yacho kwemazuva matatu. Pashure, vanhu vakanzwa inzwi raBaba Vokudenga richitaura kubva kudenga.

Jesu Kristu achishanyira vaNifai

Baba Vokudenga vakati, “Tarisai Mwanakomana Anodiwa wangu” (3 Nifai 11:7). Jesu anozviratidza kuvaNifai. Akamuka kuvakafa! Akadzidzisa vaNifai zvinhu zvizhinji. Akavaudza kuti vatendeuke uye vaMutevere.

Jesu achiporesa vanorwara

Akaudza vanhu kuti vaunze avo vairwara kwaAri kuti vaporeswe. Akavaropafadza.

Jesu achiropafadza vana

Akaropafadzawo vana vose mumwechete nemumwechete. Ngirozi dzakakomberedza vana.

Peji Yekuisa Ruvara

Muponesi Anoda Mwana Woga-Woga waBaba Vokudenga

Peji yekuisa ruvara

Mufananidzo naAdam Koford

Unonzwa sei rudo rweMuponesi?