Shamwari
Nifai Anoona Jesu Mucheche
Zvita 2024


“Nifai Anoona Jesu Mucheche,” Friend (Shamwari), Zvita 2024, 26–27.

Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Zvita 2024

Nifai Anoona Jesu Mucheche

Rihai achidzidzisa Nifai, uye Nifai achinamata

Mifananidzo naAndrew Bosley

Baba vaNifai, Rihai, vakaona chiratidzo chaJesu Kristu. Nifai aida kuonawo chiratidzo ichi. Akanamata uye akakumbira kuona izvo zvakaonekwa nababa vake.

Nifai achiona Maria muchiratidzo

Mweya Mutsvene wakaratidza Nifai chiratidzo chimwechetecho. Nifai akaona musikana wechidiki ainzi Maria. Mweya Mutsvene wakati aizova amai veMwanakomana waMwari, Jesu Kristu.

Nifai achiona Maria naJesu Mucheche muchiratidzo

Nifai akaona Jesu mucheche aina Maria. Mweya Mutsvene wakati Jesu aizouya panyika kuzobatsira vana vaBaba Vokudenga.

Nifai achinyora pasi chiratidzo chake; musikana achiverenga magwaro matsvene

Nifai akaona upenyu hwaJesu Kristu. AkaMuona achishandira uye achidzidzisa vanhu. Nifai akadzidza zvinhu zvizhinji pamusoro paMuponesi. Unokwanisawo kudzidza pamusoro Pake kuburikidza nekuverenga magwaro mastvene.

Peji Yekuisa Ruvara

Kirisimasi Iri pamusoro paJesu

Peji yekuisa ruvara

Mufananidzo naAdam Koford

“Nokuti takazvarirwa Mwana, takapiwa Mwanakomana” (Muporofita Isaya 9:6).