2021
Kristu Amuka; Rutendo maAri Rwunozosudurutsa Makomo
Chivabvu 2021


Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona, Chivabvu 2021

Kristu Amuka; Rutendo maAri Rwunozosudurutsa Makomo

Rutendo muna Jesu Kristu ndiro simba gurusa rinowanikwa kwatiri muupenyu huno. Zvinhu zvose zvinokwanisika kune avo vanotenda.

Mabhuratha nemasisita angu anodikanwa, ndinotenda nemukana wekutaura nemi paSvondo yeIsita ino.1 Rudzikinuro rwekuzvipira uye neKumuka Kuvakafa kwaJesu Kristu zvakashandura upenyu hwemumwe nemumwe wedu narinhi narinhi. TinoMuda uye neruvongo tinomunamata Iye naBaba vedu Vokudenga.

Munguva yemwedzi mitanhatu yapfuura, takaenderera mberi nekunetsekana nedenda repasi rose. Ndinoshamiswa nehushingi uye nesimba renyu remweya apo pamunotarisana neurwere, kurasikirwa, uye nekuparadzaniswa kubva kuna vamwe. Ndinonamata nguva dzose kuti, nemumatambudziko iwayo ose, munozonzwa rudo rwaIshe kwamuri rwusingakundikane. Kana makatakura miedzo yenyu neudzidzi hwakasimba, gore rino rapfuura harizove gore rangarisina chimuko.

Mangwanani ano, tanzwa kubva kuvatungamiriri veChechi vanobva kunyika dzose dzinogarwa nevanhu pasi pano. Chokwadi, maropafadzo evhangeri ndeemarudzi ose, mitauro yose, uye nevanhu vose. Chechi yaJesu Kristu ichechi yepasi rose. Jesu Kristu ndiye mutungamiri wedu.

Tinotenda kuti, kunyangwe denda harina kukwanisa kuderedza kufambira mberi kwechokwadi Chake. Vhangeri raJesu Kristu ndiro chairo rinodikanwa munyika ino yakavhiringika, inekukakavadzana, uye yakaneta.

Mumwe nemumwe wavana vaMwari anokodzera mukana wekunzwa uye nekugamuchira shoko rinoporesa uye rinonunura raJesu Kristu. Hapana rimwe shoko rakanyanya kukosha kurufaro rwedu—iye zvino uye narinhi narinhi.2 Hapana rimwe shoko rakanyanya kuzadzwa netariro. Hapana rimwe shoko rinokwanisa kubvisa gakava munzanga yedu.

Rutendo muna Jesu Kristu ndiyo hwaro yetendero yose uye nzira yekuwana simba rehumwari. Maererano neMuapositora Pauro, “Kusina kutenda hazvibviri kufadza [Mwari], nokuti unouya kuna Mwari anofanira kutenda kuti iye uripo, uye mupi womubairo kuneavo vanomutsvaka nokushingaira.”3

Chese chinhu chakanaka muhupenyu chinotanga nerutendo—rose ropafadzo iro rinokwanisa kuva nekukosha kwekusingaperi rinotanga nerutendo. Kubvumira Mwari kuti vave nesimba muupenyu hwedu kunotanga nerutendo rwekuti Vanoda kutitungamira. Rutendeuko rwechokwadi runotanga nerutendo rwekuti Jesu Kristu ane simba rekutishanangura, kutiporesa uye nekutisimbisa.4

“Musarambe simba raMwari,” muporofita Moronai akataura, “nokuti anoshanda nesimba, maererano norutendo rwevana vevanhu.”5 Rutendo rwedu ndirwo runovhura simba raMwari muupenyu hwedu.

Uye zvakadaro, kushandisa rutendo kunokwanisa kuratidzika sekunokurira. Dzimwe nguva tingangonetseka kana tichikwanisa kuwana rutendo rwakakwana rwekuti tigamuchire maropafadzo atinodisisa zvikuru. Zvisinei, Ishe vakazorodza kutya ikoko kuburikidza nemashoko emuporofita weBhuku raMormoni Aruma.

Mufananidzo
Tsanga yembeu yemasitadhi

Aruma anotikumbira kuti tingoedza mashoko aMwari uye “toshandisa rutendo rudikidiki, hongu, kunyangwe [ti]singakwanisi kuita zvinopfuura kungova nechido chokutenda.”6 Ndevo yekuti “rutendo rudikidiki” inondiyeuchidza nezvevimbiso yebhaibheri yaIshe yekuti kana “tiine rutendo setsanga yembeu yemasitadhi,” tichakwanisa “kuti kugomo iri, ibva pano, enda koko; uye ringaenda; uye hakune chinhu chinga[ti]kunda.”7

Mufananidzo
Shiri pakati pembeu dzemasitadhi

Ishe vanonzwisisa utera hwedu hweupenyu hunofa huno. Tese tinokanganisa dzimwe nguva. Asi vanozivawo nezve kwaniso yedu huru yeramangwana. Mbeu yemasitadhi inotanga iri diki asi inokura kuita muti wakura zvikuru zvekuti shiri dzikwanise kuita matendere mumapazi awo. Mbeu yemasitadhi inomiririra rutendo rudiki asi rwuri kukura.8

Ishe havadi rutendo rwakakwana kuitira kuti tiwane simba Ravo rakakwana. Asi Vanotikumbira kuti titende.

Mabhuratha nemasisita angu anodikanwa, chikumbiro changu kwamuri mangwanani ano eIsita ndechekuti tangai nhasi kuwedzera rutendo rwenyu. Kuburikidza nerutendo rwenyu, Jesu Kristu anozowedzera kwaniso yenyu yekusudurutsa makomo muupenyu hwenyu,9 kunyangwe zvazvo zvinetso zvenyu pachenyu zvingangoratidzika seGomo reEverest.

Makomo enyu anogona kuva ekusurukirwa, kusava nechokwadi, hurwere, kana mamwe matambudziko enyu pachenyu. Makomo enyu anozosiyana-siyana, asi zvakadaro mhinduro kune chimwe nechimwe chezvinetso zvenyu ndeyekuwedzera rutendo rwenyu. Kuwedzera rutendo ikoko kunoda basa. Vadzidziri vane usimbe uye vadzidzi vasina hanya vanogara vachinetseka kuti vawane kunyangwe rutendo rudikidiki.

Kuita chinhu chipi zvacho zvakanaka kunoda kuedza nesimba Kuva mudzidzi wechokwadi waJesu Kristu kunodawo zvimwechetezvo. Kuwedzera rutendo rwenyu uye ruvimbo maAri kunoda kuedza nesimba. Ndinokupai mazano mashanu ekukubatsirai kukudziridza rutendo neruvimbo irworwo.

Chekutanga, nzverai. Iva mudzidziri anoramba achitsvaga kudzidza zvimwe zvizhinji. Iva neruzivo rwemagwaro matsvene kuti unzwisise zvirinani basa neushumiri hwaKristu. Ziva dzidziso dzaKristu kuitira kuti unzwisise simba rayo muupenyu hwako. Isa mumwoyo mako chokwadi chekuti Rudzikinuro rwaJesu Kristu runoshanda kwauri. Akatora paAri rusuwo rwako, zvikanganiso zvako, utera hwako, uye zvivi zvako. Akabhadhara muripo werudzikinuro uye akapa simba kwauri rekuti usudurutse gomo rose raunozombofa wakatarisana naro. Unowana simba iroro kuburikidza nerutendo, ruvimbo, uye nechido chako chekuMutevera.

Kusudurutsa makomo ako kungangoda chishamiso. Dzidza pamusoro pezvishamiso. Zvishamiso zvinouya maererano nerutendo rwako muna Ishe. Chakakoshesesa kurutendo irworwo kuvimba nechido Chavo uye nenguva Yavo—kuti Vanozokuropafadza sei uye rinii nerubatsiro rwunoshamisa rwaunoda. Chete kusatenda kwako ndiko kunozotadzisa Mwari kuti vakuropafadze nezvishamiso zvekusudurutsa makomo muupenyu hwako.10

Apo paunodzidza zvakawanda pamusoro peMuponesi, zvinozonyanyawo kuva nyore kuvimba nengoni Dzake, rudo Rwake rusingagumi, uye nesimba Rake rinosimbisa, rinoporesa, uye rinonunura. Muponesi haambovi padyo newe kupfuura apo paunenge wakatarisana kana kuti uchikwira gomo nerutendo

Chechipiri, sarudza kutenda muna Jesu Kristu. Kana usina chokwadi pamusoro paMwari Baba neMwanakomana Wavo Anodiwa kana huchokwadi hweKudzorerwa kana huchokwadi hwedaidzo yehumwari yaJoseph Smith semuporofita, sarudza kutenda11 uye urambe wakatendeka. Enda nemibvunzo yako kuna Ishe uye nekune mamwe majerero akatendeka. Nzvera nechido chekutenda pane kunzvera uine tarisiro yekuti unokwanisa kuwana zvisina kururama mumamiriro eupenyu hwemuporofita kana kuwana kusawirirana kwezvinhu mumagwaro matsvene. Rega kuwedzera kusava nechokwadi kwako nekuzvidzokorora nevamwe vasinavo chokwadi. Bvumira Ishe kuti vakutungamirire parwendo rwako rwekuwana zvepamweya.

Chechitatu, ita murutendo. Chii chawaizoita dai wanga uine rutendo rwakawanda? Funga pamusoro pazvo. Nyora pamusoro pazvo. Zvino wogamuchira rutendo rwakawanda nekuita chimwe chinhu chinoda rutendo rwakawanda.

Chechina, tora zvisungo zvinoyera nerukodzero. Zvisungo zvinovhura simba raMwari zveupenyu hwako.12

Uye chechishanu, kumbira Baba vako Vokudenga rubatsiro, muzita raJesu Kristu.

Rutendo runoda basa. Kugamuchira zvakazarurwa kunoda basa. Asi “mumwe nomumwe anokumbira, unopiwa; uye anotsvaka, unowana; unogugudza, unozarurirwa.”13 Mwari vanoziva izvo zvinozobatsira rutendo rwako kukura. Kumbira, uye wokumbira zvakare.

Uyo asingatendi anogona kutaura kuti rutendo nderwe vasina kusimba. Asi mafungiro aya anotadza kuona simba rerutendo. Vaapositora veMuponesi vaizoenderera mberi here nekudzidzisa dzidziso Dzake mushure mekufa kwake, vari munjodzi yeupenyu hwavo, dai vakanga vasina chokwadi Naye?14 Joseph naHyrum Smith vaizotambura here ndufu dzevafiri vechitendero vachidzivirira Kudzorerwa kweChechi yaIshe kunze kwekunge vakanga vaine humboo hwechokwadi kuti yaiva yechokwadi? Vatendi vangangosvika zviuru zviviri vaizofira munzira yevaparuri here15 dai vakanga vasina rutendo rwekuti vhangeri raJesu Kristu rakadzorerwa? Zvirokwazvo, rutendo isimba rinogonesa vasingafungidzirwe kubudirira pane zvisingabviri.

Usaderedze rutendo rwauinarwo kare. Zvinotora rutendo kuti upinde Chechi uye ugoramba wakatendeka. Zvinotora rutendo kuti utevere vaporofita kunze kwenyanzvi dzezvenyaya uye pfungwa dzine mukurumbira. Zvinotora rutendo kushandira hushumiri munguva yedenda. Zvinotora rutendo kurarama upenyu hwekuzvibata apo nyika painenge ichidaidzira kuti mutemo waMwari wekuzvibata wava wechinyakare iyezvino. Zvinotora rutendo kudzidzisa vhangeri kuvana munyika yepasi pano. Zvinotora rutendo kutetererera upenyu hwemudikani uye kunyangwe rutendo rwakawanda kugamuchira mhinduro inoodza mwoyo.

Makore maviri akapfuura ayo, Sisita Nelson neni takashanyira Samoa, Tonga, Fiji, uye Tahiti. Imwe neimwe yezvitsuwa izvozvo yakanga yasangana nekunaya kwemvura zhinji kwemazuva akawanda. Nhengo dzakanga dzatsanya uye nekunamata kuti misangano yavo yepanze izodzivirirwa kubva kumvura yainaya.

MuSamoa, Fiji, neTahiti, apo chete pakangotanga misangano yacho, mvura yakamira kunaya. Asi muTonga, mvura haina kumira kunaya. Asi zvakadaro Vatendi vakatendeka zviuru gumi nezvitatu vakakurumidza kuuya nemaawa mazhinji kuti vawane pokugara, vakamirira nemwoyo murefu nemumvura yairamba ichiduruka kunaya ,uye vakagara mumusangano wemaawa maviri ichingonaya.

Mufananidzo
Vatendi vechiTonga mumvura inonaya

Takaona rutendo rwakasimba uye runokura ruchishanda pakati pemumwe nemumwe wevagari vezvitsuwa ivavo—rutendo rwakakwana zvokumisa mvura inonaya uye rutendo rwekutsungirira apo mvura paisina kumira kunaya.

Makomo muupenyu hwedu haasuduruki nguva dzose nenzira kana apo patinoda. Asi rutendo rwedu runozogara ruchitifambisa mberi. Rutendo nguva dzose runowedzera kuwana kwedu simba rehumwari.

Ndapota zivai izvi: kana zvinhu zvose uye nemunhu wose zvake munyika uyo wamunovimba naye akazokundikana, Jesu Kristu neChechi Yake havazombofa vakakundikana kwamuri. Ishe havambozorori, uye Havakotsire.16 “Vamwechetevo nezuro, nhasi, uye [namangwana].”17 Havazorasa zvibvumirano Zvavo,18 zvivimbiso Zvavo, kana rudo Rwavo kuvanhu Vavo. Vanoita zvishamiso nhasi, uye Vanozoita zvishamiso mangwana.19

Rutendo muna Jesu Kristu ndiro simba gurusa rinowanikwa kwatiri muupenyu huno. Zvinhu zvose zvinokwanisika kune avo vanotenda.20

Rutendo rwako rwuri kukura maAri runozosudurutsa makomo—kwete makomo ematombo anoshongedza panyika asi makomo erusuwo muupenyu hwako. Rutendo rwenyu rwuri kubudirira nekukura runozokubatsirai kushandura zvinetso kuva kukura uye mukana zvisingaenzaniswe.

PaSvondo ino yeIsita, nemanzwiro angu akadzama erudo nekutenda, ndinozivisa umboo hwangu hwekuti Jesu Kristu amuka zvechokwadi. Amuka kuti atungamirire Chechi Yake. Amuka kuti aropafadze upenyu hwevana vose vaMwari, kuri kupi zvako kwavanogara. Nerutendo maari, tinokwanisa kusudurutsa makomo muupenyu hwedu. Ndinopupura kudaro muzita rinoyera raJesu Kristu, ameni.

Placeholder Image Credit (Nzvimbo yeMufananidzo neZita reAkauita)

Dhinda