2022
Kundai Nyika uye Muwane Zororo
Mbudzi 2022


Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona, Mbudzi 2022

Kundai Nyika uye Muwane Zororo

Wanai zororo kubva kumhirizhonga, kusava nechokwadi uye namarwadzo makuru zvenyika ino nokukunda nyika kuburikidza nezvibvumirano zvenyu naMwari.

Mabhuratha namasisita angu anodiwa, ndinovonga kukukwazisai pamangwanani eSabata ano akanakisisa. Munogara muri mupfungwa dzangu nguva dzose. Ndinoshamiswa nenzira yamunokurumidza kuita zvinhu apo pose pamunoona vamwe vanenge vaine zvidikanwi. Ndinoshamiswa zvikuru nerutendo neuchapupu hwamunotaridza zvakare nezvakare. Ndinochema pamusoro pamarwadzo apamwoyo enyu, rusuwo rwenyu, uye nokunetsekana kwenyu. Ndinokudai. Ndinokuvimbisai kuti Baba vedu Vokudenga neMwanakomana Wavo Anodiwa, Jesu Kristu, vanokudai. Vanoziva zvikurusa ivo pachavo mamiriro ezvinhu enyu, runako rwenyu, zvidikanwi zvenyu, uye minamato yerubatsiro yenyu. Zvakare nezvakare, ndinonamatira kuti munzwe rudo Rwavo kwamuri.

Kunzwa rudo Rwavo kwakakosha zvikuru, sezvo zvichitaridzika sokuti zuva nezuva tinotarisana nenhau zhinji dzinoshurungudza. Mungange makava namazuva apo pamakademba kuti dai mapfeka mbatya dzokurara nadzo, morara makagunyana, uye mokumbira mumwe munhu kuti akumutsei apo mhirizhonga painenge yapera.

Asi, mabhuratha nemasisita angu anodiwa, zvinhu zvakanakisisa zvakawanda zviri mberi. Mumazuva anotevera, tinozoona zviratidzo zvikurususa zvesimba reMuponesi izvo nyika yazvisina kumbofa yakaona. Pakati paiyezvino nenguva yaAnodzoka “nesimba nokubwinya kukuru,”1 Anozopa kodzero, maropafadzo, uye nezvishamiso zvisingaverengeki pamusoro pavakatendeka.

Asi zvisinei, parizvino tirikurarama munguva iyo zvirokwazvo yakaomesesa munhorondo yapanyika. Zvinhu zvakaoma uye nezvinetso zvinosiya vanhu vakawanda vachinzwa kukurirwa uye kuneta zvikuru. Zvisinei, fungai pamusoro pechiitiko icho chingangoita kuti zvive nyore kunzwisisa mawaniro ayo imi neni atingaita zororo.

Panguva yakavhurwa Temberi yeWashington D.C kuruzhinji, imwe nhengo yekomiti yekuvhurwa kweTemberi kuruzhinji yakanzwa hurukuro yakanakisisa apo paaiperekedza vatori venhau vakati wandei nemutemberi. Neimwe nzira mhuri yechidiki yakabatana neboka ravatori venhau iri. Mumwe mutori wenhau akaramba achingobvunza pamusoro “perwendo” rwunoitwa napatironi wemutemberi apo paanobva mumupanda kuenda kune mumwe munguva yokushumira kwake mutemberi. Aida kuziva kana rwendo rwemutemberi rwaimiririra zvinetso zvemurwendo rwemunhu nemuupenyu.

Mumwe mukomana wechidiki aiva mumhuri iya akanzwa hurukuro yacho. Apo boka revashanyi parakapinda mumupanda weendawumendi, mukomana uya akanongedzera kuaritari, uko kunogwadama vanhu kuti vaite zvibvumirano naMwari, uye akati, “O, zvakanaka izvi. Iyi ndiyo nzvimbo yokuti vanhu vazorore parwendo rwavo rwemutemberi.”

Handifungi kuti mukomana uyu aiziva makoshero aiva akaita cherechedzo yake. Pamwe akanga asina kana ruzivo pamusoro peenderano iripo pakati pokuita chibvumirano naMwari mutemberi nevimbiso inoshamisa yeMuponesi yokuti:

“Huyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, ini ndichakuzorodzai.

“Muise joko rangu pamusoro penyu, mudzidze kwandiri; … kuti muwane zororo pamweya yenyu.

“Nokuti joko rangu riri nyore, nomutoro wangu wakareruka.”2

Mufananidzo
chaunga pamusangano mukuru

Mabhuratha namasisita anodiwa, ndinorwadziwa zvikuru naavo vanosiya Chechi nokuda kwokuti vanonzwa kuti unhengo hwavo hwunoda zvakawandisa kubva kwavari. Havasati vaziva kuti kuita nokuchengeta zvibvumirano zvirokwazvo kunotoita kuti upenyu hwunyanye kuva nyore! Munhu woga woga anoita zvibvumirano muzvidziva zvorubhabhatidzo uye mumatemberi—uye wozvichengeta—anowana zvikuru simba raJesu Kristu. Ndapota fungisisai pamusoro pechokwadi chinoshamisa ichi!

Mubairo wokuchengeta zvibvumirano naMwari ndewe simba rokudenga—simba iro rinotisimbisa kuti tigokunda zvinetso nezviedzo zvedu, uye namarwadzo emwoyo edu zvirinani. Simba iri rinorerutsa nzira yedu. Avo vanorarama mitemo yapamusoro yaJesu Kristu vanowana simba Rake rapamusoro. Nokudaro, vachengeti yezvibvumirano vanokodzera rudzi rwakakosha rwezororo urwo rwunouya kwavari kuburikidza neukama hwezvibvumirano hwavo naMwari.

Muponesi asati Azvipira kumarwadzo makurusa eGetsemani neKarivari, Akazivisa vaApositora Vake kuti, “Panyika munotambudzika, asi tsungai mwoyo, ini ndakakunda nyika.”3 Pashure, Jesu akateterera kune mumwe nemumwe wedu kuti tiite zvimwechetezvo apo paAkati, “Ini ndinoda kuti imi muzokunda nyika.”4

Mabhuratha namasisita anodiwa, shoko rangu kwamuri nhasi nderokuti nokuda kwokuti Jesu Kristu akakunda nyika ino yakaputsika, uye nokuda kwokuti Akanunura mumwe nomumwe wedu, imiwo munokwanisa kukunda nyika ino yakazara nezvivi, inoundingoveni, uye kazhinji inonetesa zvikuru.

Nokuda kwokuti Muponesi, kuburikidza neRudzikinuro Rwake rusina mugumo, akanunura mumwe nemumwe wedu kubva kuutera, zvikanganiso, uye nezvivi, uye nokuda kwokuti Akasangana namarwadzo ose, nokunetsekana kwose, uye nemitoro yose izvo imi zvamakambova nazvo,5 zvino apo pamunotendeuka zvechokwadi uye motsvaka rubatsiro Rwake, munokwanisa kukunda zvinetso zvenyika ino isana rugadzikano.

Munokwanisa kukunda matambudziko apanyika ayo anonetesa zvikuru pamweya nemupfungwa, kusanganisira manyawi, rudado, hasha, kusazvibata, ruvengo, makaro, godo, uye kutya. Zvisinei nemarudzi ezvokwadi anovhiringidza uye asiri kwawo ayo akatitenderedza, munokwanisa kuwana zororo yechokwadi—zvinoreva rugare uye norunyararo—kunyangwe pakati pamatambudziko enyu anonyanya kunetsa.

Chokwadi chakakosha ichi chinokurudzira mibvunzo mitatu yakakosha zvikuru:

Wokutanga, zvinorevei kukunda nyika?

Wechipiri, tinozviita sei?

Uye wechitatu, kukunda nyika kunoropafadza upenyu hwedu sei?

Zvinorevei kukunda nyika? Zvinoreva kukunda chiedzo chokunyanya kuva nehanya nezvinhu zvenyika kupfuura zvinhu zvaMwari. Zvinoreva kunyanya kuvimba nedzidziso dzaKristu kupfuura uzivi hwavanhu. Zvinoreva kufara muchokwadi, kuramba unyengeri, uye kuva “vateveri vanozvininipisa vaKristu.”6 Zvinoreva kusarudza kurega chipi nechipi zvacho chinodzingira Mweya kure. Zvinoreva kuva nechido “chokuregera” kunyangwe zvivi zvedu zvatinofarira.7

Zvino, kukunda nyika zvirokwazvo hazvirevi kuva wakarurama muupenyu hwuno, uye hazvirevi kuti matambudziko ako anozongoerekana apera—nokuda kwokuti haazodaro. Uye hazvirevi kuti hauzomboiti zvikanganiso zvakare. Asi kukunda nyika kunoreva kuti kwaniso yako yokudzivirira zvivi inozowedzera. Mwoyo wako unozopfava apo rutendo rwako muna Jesu Kristu parwunowedzera.8 Kukunda nyika zvinoreva kunyanya kuda Mwari neMwanakomana Anodiwa Wavo kupfuura kuda kwaunoita mumwe munhu upi zvake kana chimwe chinhu chipi zvacho.

Zvino, tinokunda sei nyika? Mambo Benjamini vakatidzidzisa kuti sei. Vakati “munhu wenyama imhandu kuna Mwari” uye anoramba akadaro nariinhi nariinhi “kusara kwokunge azviisa pasi perunyengetedzo rweMweya Mutsvene, uye abvisa munhu wenyama uye ova mutendi kuburikidza nerudzikinuro rwaKristu Ishe.”9 Nguva yoga yoga yamunotsvaka nokutevera femero dzeMweya, nguva yoga yoga yamunoita zvinhu zvipi zvazvo zvakanaka—zvinhu izvo “munhu wenyama” zvaasingazoiti—muri kukunda nyika.

Kukunda nyika hachisi chiitiko chinoitika muzuva rimwechete kana maviri. Chinoitika nemuupenyu hwose apo patinoramba tichitambira zvakare nezvakare dzidziso yaKristu. Tinovaka rutendo muna Jesu Kristu kuburikidza nokutendeuka zuva nezuva uye nokuchengeta zvibvumirano izvo zvinotiropafadza nesimba. Tinoramba tiri mugwara rechibvumirano uye toropafadzwa nesimba rezvepamweya, zvakazarurwa zvedu pachedu, rutendo rwakawedzerwa, uye kushumira kwengirozi. Kurarama dzidziso dzaKristu kunokwanisa kuunzwa mutoo wezviitiko zveururami wakasimba zvikurusa, zvichivaka simba gurusa rezvepamweya muupenyu hwedu.10

Apo patinoedza kurarama mitemo yapamusoro yaJesu Kristu, mwoyo yedu uye hunhu hwedu chaihwo zvinotanga kushanduka. Muponesi anotibatsira kukunda zviedzo zvenyika ino yakaputsika kuburikidza nokutiropafadza zvikurusa nerudo rwakadzama, runinipo, rupo, netsitsi, kuzvibata, runyararo, uye nezororo.

Zvino, munogona kunge muchifunga kuti izvi zvinoita kunge basa rezvepamweya rakanyanya kuoma kupfuura zororo. Asi hechino chokwadi chikurusa: apo nyika painosimbirira kuti simba, pfuma, mbiri, uye mafaro enyama zvinounza mufaro, hazviunzi mufaro! Hazvikwanisi! Hapana zvazvinounza kusara kwekuti chitsivo chisina maturo “chemamiriro akaropafadzwa uye emufaro [aavo] vanochengeta mirairo yaMwari.”11

Chokwadi ndechekuti zvinotonyanya kunetesa zvikuru kutsvaka mufaro uko kwausingakwanisi kumbofa wakakuwana! Zvisinei, apo pamunoisa joko raJesu Kristu pamusoro penyu uye moita basa rezvepamweya rinodikanwa kukunda nyika, Iye, uye Iye woga, ane simba rokukubatsirai kukunda nyika ino.

Zvino, kukunda nyika kunoropafadza upenyu hwedu sei? Mhinduro iri pachena: kupinda muukama hwechibvumirano naMwari kunotisunganidzira kwaVari nenzira inoita kuti zvinhu zvose pamusoro peupenyu zvinyanye kuva nyore. Ndapota musakanganisa kundinzwisisa: handina kuti kuita zvibvumirano kunoita kuti upenyu hwuve nyore. Chokwadi ndechokuti, tarisirai rupikiso, nokuda kwokuti muvengi haadi kuti imi muzive simba raJesu Kristu. Asi kuisa joko reMuponesi pamusoro penyu kunoreva kuti munowana simba Rake uyewo nesimba rerununuro Rake.

Mufananidzo
Mutungamiri Ezra Taft Benson

Ndinosimbisa dzidziso yakakosha zvikurusa yaMutungamiri Ezra Taft “Varume namadzimai avo vanokumikidza upenyu hwavo kuna Mwari vanozoziva kuti Vanokwanisa kuita zvakanyanya kuwandisa noupenyu hwavo kupfuura zvavanokwanisa kuita ivo. Vanozodzamisa mufaro wavo, kukudza maonero avo, kujekesa pfungwa dzavo, … kusimudzira mweya yavo, kupeta kakawanda maropafadzo avo, kuwedzera mikana yavo, kunyaradza mweya yavo, kusimudzira shamwari dzavo, uye nokudurura runyararo.”12

Maropafadzo asingaenzwaniswi aya anotevera avo vanotsvaka rutsigiro rwekudenga kuti rwuvabatsire kukunda nyika ino. Nechikonzero ichocho, ndinopa kunhengo dzeChechi yose basa rimwechetero randakapa kuvakuru vechidiki vedu Chivabvu apfuura uyo. Ndakavakurudzira nguva iyoyo—uye ndinoteterera kwamuri iyezvino—kuti mutore utaririri hweuchapupu hwenyu pachenyu hwaJesu Kristu nevhangeri Rake. Hwushandirei. Huriritirei kuitira kuti hwugozokura. Hwupei chokwadi. Musahwusvibisa neuzivi hwenhema hwevarume namadzimai vasingatendi. Apo pamunomuita kuti kusimbiswa kunoenderera kweuchapupu hwenyu hwaJesu Kristu kuve chinhu chamunokoshesesa, tarisirai zvishamiso kuti zviitike muupenyu hwenyu.13

Mufananidzo
Mutungamiri Nelson paparupiti pamusangano mukuru

Teterero yangu kwamuri mwangwanani ano ndeyo kuti muwane zororo kubva kumhirizhonga, kusava nechokwadi uye namarwadzo makuru zvenyika ino nokukunda nyika kuburikidzika nezvibvumirano zvenyu naMwari. Vazivisei kuburikidza neminamato yenyu uye nezviito zvenyu kuti muri pachokwadi pamusoro pokukunda nyika. Vakumbirei kuti vajekese pfungwa dzenyu uye vatumire rubatsiro rwamunoda. Zuva roga roga, nyorai pasi pfungwa idzo dzinouya kwamuri apo pamunonamata; zvino dzizadzikisei noushingairi. Pedzai nguva yakawanda mutemberi, uye tsvaka kunzwisisa madzidzisirwo amunoitwa netemberi kukunda zviedzo zvenyika ino yakaputsika.14

Zvakandambotaura, kuunganidzwa kweIsraeri ndiro basa rakakosha zvikurusa ririkuitika panyika nhasi. Chimwe chinhu chakakoshesesa chekuunganidzwa uku ndechokugadzirira vanhu avo vanokwanisa, vakagadzirira, uye vakakodzero kugamuchira Ishe apo paAnouya zvakare, vanhu avo vakatosarudza kare Jesu Kristu pachinzvimbo chenyika ino yakaputsika, vanhu avo vanofara mukuzvisarudzira kwavo kurarama mitemo yapamusoro, mitsvene yaJesu Kristu.

Mufananidzo
amai nemwanasikana vakatarisa mifananidzo yaVatungamiri veChechi muMuzinda weMisangano Mikuru.

Ndinokukumbirai zvikuru, mabhuratha nemasisita angu anodikanwa, kuti muve vanhu vakarurama ava. Koshesai uye kudzai zvibvumirano zvenyu kupfuura zvimwe zvitsidzo zvose. Apo paunobvumira Mwari kukunda muupenyu hwenyu, ndinokuvimbisai runyararo, ruvimbo norufaro rukurusa, uye hongu, zororo hurusa.

Nesimba rehuapositora randiinaro, ndinokuropafadzai mukuedza kwenyu kukunda nyika ino. Ndinokuropafadzai kuti muwedzere rutendo rwenyu muna Jesu Kristu uye mudzidze zvirinani mashandisiro okuita simba Rake. Ndinokuropafadzai kuti mukwanise kuziva chokwadi kubva kumanyepo. Ndinokuropafadzai kuti munyanye kuva nehanya pamusoro pezvinhu zvaMwari kupfuura zvinhu zvenyika ino. Ndinokuropafadzai kuti muone zvidikanwi zvaavo vakakukomberedzai uye musimbise avo vamunoda. Nokuda kwokuti Jesu Kristu akakunda nyika ino, imi munokwanisawo. Ndinopupura kudaro nemuzita rinoyera raJesu Kristu, ameni.

Manotsi

  1. Joseph Smith—Mateo 1:36: “Zvino pachaonekwa chiratidzo cheMwanakomana weMunhu kudenga, uye zvino ndipo pachachema marudzi ose epanyika; uye vachaona Mwanakomana weMunhu achiuya mumakore ekudenga, nesimba nekubwinya kukuru.”

  2. Mateo 11:28–30; kusimbisa kwakawedzerwa.

  3. Johane 16 33; kusimbisa kwakawedzerwa.

  4. Dzidziso neZvibvumirano 64:2; kusimbisa kwakawedzerwa.

  5. Ona Aruma 7:11–13.

  6. 2 Nifai 28:14.

  7. Ona tsananguro yababa vaMambo Ramoni muna Aruma 22, kunyanya Aruma 22:18.

  8. Ona Mosaya 5:7.

  9. Mosaya 3 19; kusimbisa kwakawedzerwa.

  10. Ona 2 Nifai 31; 3 Nifai 27: 16–20.

  11. Mosaya 2:41.

  12. Teachings of Presidents of the Church: Ezra Taft Benson (2014), 42–43.

  13. Ona Russell M. Nelson “Choices for Etenity” (munamato wepanyika pose wavakuru vechidiki, Chivabvu 15, 2022), broadcasts.ChurchofJesusChrist.org.

  14. Mutungamiri David O. McKay vakati mutemberi tinotora “nhanho nenhanho kukwira kuHuvepo Hwokusingaperi ” (muna Truman G. Madsen, The Temple: Where Heaven Meets Earth [2008], 11).

Dhinda