Musamirira! Ivai SeVafudzi,” For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Zvita 2022. Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Zvita 2022 Ruka 2:8–20 Musamirira! Ivai seVafudzi NaEric B. Murdock; mifananidzo naDarren Rawlings Mufananidzovafudzi Pane humwe husiku hwakanyarara makare kare, vafudzi vaishingaira kurinda makwai avo. Mufananidzohwai Vafudzi vacho vakanga vaine basa rakakosha. Makwai aida zvokudya, mvura nedziviriro kubva kunjodzi. Mufananidzongirozi Pakarepo, ngirozi yakaonekwa! “Musatye, tarirai, ndinokuunzirai mashoko akanaka emufaro mukuru. … Nokuti nhasi mazvarirwa … Muponesi, ndiye Kristu Ishe.” Mufananidzongirozi Ngirozi yakaudza vafudzi kuti vaizowana mucheche akaputirwa mumachira, akarara muchidyiro chezvipfuyo muBetrehema. Mufananidzokwaya yengirozi Kwaya yengirozi yakazadza denga uye ikabatana nengirozi mukurumbidza Mwari. “Rumbidzo kuna Mwari kumusoro-soro, norugare panyika, chido chakanaka kuvanhu.” Mufananidzovafudzi “Ngatiende kuBetrehema tinoona izvo takaziviswa naIshe.” Mufananidzovafudzi vachitevera nyeredzi Vafudzi havana kumirira. Izvi zvaive zvakanyanya kukosha! “Vakauya nokukurumidza” kuBetrehema Mufananidzovafudzi pachidyiro Vafudzi vakawana Jesu akaputirwa namachira, akarara muchidyiro, sekutaura kwakaita ngirozi. MufananidzoJesu mucheche Uyu ndiye Mesiasi akavimbiswa uyo akauya kuzova Muponesi neMununuri wenyika uye nokutiunzira mufaro wechokwadi! Mufananidzovafudzi Vafudzi vakafara zvikurusa! Vakagovera zvavakanga vanzwa nokuona. “Muponesi weNyika azvarwa!” “Mesiasi wazouya pokupedzisira!” Mufananidzomukomana wechidiki achinzvera magwaro matsvene Vafudzi “vakauya nokukurumidza” kuna Jesu. Nemi munokwanisawo! Munokwanisa kudzidza neZvake. Mufananidzomukomana wechidiki achicheka uswa Munokwanisa kuMushandira kuburikidza nokushandira vamwe. Mufananidzomusikana wechidiki achigoverana Bhuku raMomoni nemukomana wechidiki Munokwanisa kupupura neZvake. © 2022 ne Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly For the Strength of Youth Message, Zvita 2022. Shona. 18318 731