2022
Musamirira! Ivai seVafudzi
Zvita 2022


Musamirira! Ivai SeVafudzi,” For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Zvita 2022.

Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Zvita 2022

Ruka 2:8–20

Musamirira! Ivai seVafudzi

Mufananidzo
vafudzi

Pane humwe husiku hwakanyarara makare kare, vafudzi vaishingaira kurinda makwai avo.

Mufananidzo
hwai

Vafudzi vacho vakanga vaine basa rakakosha. Makwai aida zvokudya, mvura nedziviriro kubva kunjodzi.

Mufananidzo
ngirozi

Pakarepo, ngirozi yakaonekwa!

“Musatye, tarirai, ndinokuunzirai mashoko akanaka emufaro mukuru. … Nokuti nhasi mazvarirwa … Muponesi, ndiye Kristu Ishe.”

Mufananidzo
ngirozi

Ngirozi yakaudza vafudzi kuti vaizowana mucheche akaputirwa mumachira, akarara muchidyiro chezvipfuyo muBetrehema.

Mufananidzo
kwaya yengirozi

Kwaya yengirozi yakazadza denga uye ikabatana nengirozi mukurumbidza Mwari.

“Rumbidzo kuna Mwari kumusoro-soro, norugare panyika, chido chakanaka kuvanhu.”

Mufananidzo
vafudzi

“Ngatiende kuBetrehema tinoona izvo takaziviswa naIshe.”

Mufananidzo
vafudzi vachitevera nyeredzi

Vafudzi havana kumirira. Izvi zvaive zvakanyanya kukosha! “Vakauya nokukurumidza” kuBetrehema

Mufananidzo
vafudzi pachidyiro

Vafudzi vakawana Jesu akaputirwa namachira, akarara muchidyiro, sekutaura kwakaita ngirozi.

Mufananidzo
Jesu mucheche

Uyu ndiye Mesiasi akavimbiswa uyo akauya kuzova Muponesi neMununuri wenyika uye nokutiunzira mufaro wechokwadi!

Mufananidzo
vafudzi

Vafudzi vakafara zvikurusa! Vakagovera zvavakanga vanzwa nokuona.

“Muponesi weNyika azvarwa!”

“Mesiasi wazouya pokupedzisira!”

Mufananidzo
mukomana wechidiki achinzvera magwaro matsvene

Vafudzi “vakauya nokukurumidza” kuna Jesu. Nemi munokwanisawo!

Munokwanisa kudzidza neZvake.

Mufananidzo
mukomana wechidiki achicheka uswa

Munokwanisa kuMushandira kuburikidza nokushandira vamwe.

Mufananidzo
musikana wechidiki achigoverana Bhuku raMomoni nemukomana wechidiki

Munokwanisa kupupura neZvake.

Dhinda