2023
Zarura Mwoyo Wako kuMweya Mutsvene
Kubvumbi 2023


“Zarura Mwoyo Wako kuMweya Mutsvene,” For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Kubvumbi 2023

Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki) Kubvumbi 2023

Zarura Mwoyo Wako kuMweya Mutsvene

Kubva kuNhaurwa yemusangano mukuru waKubvumbi 2018.

Panguva ino yeIsita, ndinotenda Baba vedu Vokudenga nechipo cheMwanakomana Wavo Anodiwa, uyo akauya achizvidira panyika kuti ave Mununuri wedu. Ndinotenda nekuziva kuti Akadzikinura zvivi zvedu uye akamuka muKumuka kuvakafa. Zuva roga roga ndinokomborerwa kuziva kuti, nokuda kweRudzikinuro Rwake, nerimwe zuva ndinozomuka kuvakafa kuti ndirarame nokusingaperi mumhuri ine rudo.

Ndinoziva zvinhu izvozvo nenzira chete iyo ani nani wedu yaanokwanisa kuzviziva. Mweya Mutsvene wakataura mundangariro dzangu nemumwoyo wangu kuti ndezvechokwadi—kwete kamwe chete asi kazhinji.

Tine chivimbiso chakakosha zvikurusa cheMweya Mutsvene semufambidzani. Chisungiro chedu ndechekusarudza kuvhura mwoyo yedu kuti tigamuchire hutungamiri nenyaradzo zvepamweya kuburikidza neMweya Mutsvene kweupenyu hwose.

Mufananidzo
ruva

Mifananidzo naEmily E. Jones

Sarudzo yekutanga ndeye kuzvininipisa pamberi paMwari.

Mufananidzo
maoko anonyengetera

Chechipiri kunyengetera norutendo muna Ishe Jesu Kristu.

Mufananidzo
kambasi

Chechitatu ndeche kuteerera zvakakwana.

Mufananidzo
chimiro chemoyo

Uye chechina ndeche kunamata kuti uzive zvidikwanwi uye nemwoyo yevamwe uye nemabatsiriro aungavaita kuitira Ishe.

Ndinonamata nemwoyo wangu wose kuti unozonzwa inzwi reMweya, iro rinotumirwa kwauri nerupo rukuru. Uye ndinonamata kuti uchazarura mwoyo wako nguva dzose kuti ugamuchire Mweya kuti ugova nemufaro wekuva naYe semufambidzani wako nguva dzose.

Dhinda