2023
Getsemani
Chikumi 2023


“Getsemani”, For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Kubvumbi 2023.

Nzvimbo kubva muMagwaro Matsvene

Getsemani

Dzidza zvakawanda pamusoro penzvimbo iyo kutambura kweMuponesi pachinzvimbo chedu pakwakatanga.

Mufananidzo
munda wemiorivhi

Iri Kupi?

Pamateru eGomo reMiorivhi, kumabvazuva kweJerusarema (kurudyi mumufananidzo, kwakamakwa nemuti wakakurisa).

Mufananidzo
mufananidzo weJerusarema yechinyakare

Mufananidzo wemepu yeJerusarema naJim Madsen

Chii Chaiva Ikoko?

Munda wemiti yemiorivhi uye pamwe nechisviniro chekuwana mafuta kubva mumaorivhi.

Mufananidzo
chisviniro chemaorivhi

Chii Chakaitika Apa?

Mushure meChidyo Chokupedzisira, Jesu Kristu akaenda nevaApositora Vake gumi nemumwechete kuGetsemani. Zvino Iye akaenda parutivi kundonyengetera uye akatora Petro, Jakobo naJohane Naye.

“Akatanga kuvhunduka kwazvo, nokudumbirwa.” Akati, “Mweya wangu uneshungu kwazvo kusvikira pakufa” (Marko 14:33–34).

Akanamata achiti, “Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu kwandiri: asi kuda kwangu kurege kuitwa, asi kwenyu.

“Ipapo mutumwa akaonekwa naye wakabva kudenga, akamusimbisa.

“Zvino ari pakutambudzika kukuru wakanyanya kunyengetera: ziya rake rikaita samadonhwe eropa akadonhera pasi” (Ruka 22:42–44).

Mushure mekutambura zvikurusa uku kwakaitwa neMuponesi, akatengeswa naJudasi uye akasungwa nemakurukota echiJuda uye nechikwata chemauto echiRoma.

Mufananidzo
Jesu Kristu muGetsemani

Getsemani, naMichael Malm

Manotsi

  1. Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Getsemani.”

  2. Ona D. Todd Christofferson, Oct. 2016 general conference (Ensign kana Liahona, Mbudzi. 2016, 50).

Dhinda