2023
Mazuva Masere eKugovera
Chikunguru 2023


“Mazuva Manomwe eKugovera,” For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Chikunguru 2023.

Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Chikunguru 2023

Mazuva Manomwe eKugovera

Unokwanisa kugovera vhangeri raJesu Kristu nenzira dzemazuva ose uye dzomusikirwo wedu. Unoda kuzviedza here?

Apo patinotaura pamusoro pokugovera uchapupu, kazhinji tinofunga nezvekupa uchapupu hwedu mumusangano wesakaramende kana kuti mune mimwe misangano yakarongwa. Asi takakurudzirwa “kutsvaka mikana yokutaura pamusoro pechitendero chako nenzira dzemusikirwo wedu uye dzemazuva ose.”1

Muchiedzwa chemazuva manomwe chiri pazasi, unokwanisa kugovera uchapupu hwako nenzira yakasiyana zuva roga roga revhiki. Unokwanisa kushandisa zvinhu izvi munhevedzano ipi zvayo, kana kuti ungangofunga mazano ako pachako! Unoda kuzviedza here?

Mufananidzo
imba yokusanganira

Mufananidzo naEmily Davis

Zuva Rokutanga: Chechi

Funga kupa uchapupu hwako mumusangano wekutsanya nokupupura muchechi kana ichi chiri chinhu chaunonzwa kugadzikana nacho. Kana zvirizvo, unokwanisawo kugovera uchapupu hwako muchechi kuburikidza nokutora chinhanho mumakirasi ako musi weSvondo uye museminari. Izvo zvaunogovera zvinokwanisa kusimudzira vamwe uye nokusimbisa uchapupu hwavo pamwepo nehwako.

Mufananidzo
shamwari

Zuva reChipiri Shamwari

Chii chawakadzidza kuChechi musi weSvondo? Wakafarira here izvo zvakagoverwa nemumwe munhu munhaurwa yemusangano wesakaramende kana muhurukuro yekirasi yako? Pamwe rumbo rwekuvhura raiva rwiyo raunodisisa. Taurira shamwari pamusoro pazvo! Zvino bvunzawo pamusoro pekupera kwevhiki yavo.

Mufananidzo
fone ine social media

Zuva reChitatu: Social Media

Social media inzvimbo yakanaka zvikuru yokugovera zvinhu zvepamweya nenzira yamazuva ose uye yemusikirwo wedu. Kwezuva rino rechiedzwa ichi, funga kugovera chinyorwa pamusoro:

  • Peimwe yendima yemagwaro matsvene yaunofarira zvikuru.

  • Pechitapwa chinosimudzira kubva kumusangano mukuru.

  • Pepfungwa yezvepamweya kana chiitiko chezvepamweya.

  • Pechimwe chinhu chaunoda kana chaunotenda nacho pamusoro peMuponesi.

  • Penzira yaAkakubatsira nayo muchinguva chichangopfuura kana hunhu hwaunoyemura maAri uye kuti sei uchihwuyemura.

Mufananidzo
fone ine kwaniso yokutuma Vhidhiyo nemashoko

Zuva reChina: Mashoko kana Vhidhiyo

Tumira shoko rinosimudzira kushamwari kuburikidza nemashoko kana nevhidhiyo. Unokwanisa kugovera nhaurwa yemusangano mukuru yaunofunga kuti angangofarira, muudze chimwe chinhu chaunotenda nacho pamusoro pake, kana govera pamusoro perutendo rwako muna Jesu Kristu. Semuenzaniso, akangangoda kuziva pamusoro perudo rwaBaba Vokudenga kwaari. Unokwanisa kumutaurirawo iwe mbune!

Mufananidzo
musikana wechidiki ane bharuni rine chimiro chemwoyo

Zuva reChishanu: Kushandira

Ungangoshama kuti sei kushandira vamwe kuchikwanisa kuva nzira yokugovera uchapupu hwako. MuApositora Pauro akaudza Timotio kuti, “Uve muenzaniso wevanotenda, mushoko, mukutaurirana, murudo, mumweya, murutendo, mukuchena kwemwoyo.” (1 Timotio 4:12). Kuitira kuti ugokwanisa kutaridza izvo zvaunotenda kuburikidza nemuenzaniso wako, nokushandira vamwe samashandiro anozoita Muponesi kwavari.

Mufananidzo
zvinhu zvokushandisa paati

Zuva reChitanhatu: Ati

Dzimwe nguva vanhu vanoshandisa ati senzira yakasiyana yokugovera pfunga dzavo namanzwiro avo. Unokwanisa kushandisa mifananidzo, zvivezwa, nhetembo, mumhanzi, kana mamwe marudzi api zvawo eati kugovera manzwiro aunoita pamusoro paJesu Kristu nevhangeri Rake.

Mufananidzo
vechidiki vachitaurirana

Zuva reChinomwe: Hurukuro dzeMazuva Ose

Usatya kutaura izvo zvaunotenda mumamiriro ezvinhu emazuva ose, sezvaungangoita kugovera dzimwe pfungwa dzipi zvadzo dzauinadzo pamusoro pemumwe musoro wenyaya.

Unokwanisa, chokwadi, kutaura pamusoro pezviitwa zveChechi kana chinyorwa chitsvene chawakaverenga munguva ichangopfuura, asi zvinokwanisawo kunyanya kuva zvamazuva ose kupfuura izvi. Semuenzaniso:

  • Kana uchinzwa kukurudzirwa nezvisikwa zvepanyika, taura ruvongo rwako rwezvisikwa zvaMwari kune mumwe munhu.

  • Pamwe wakava nechiitiko chezvepamweya chinonakidza munguva ichangopfuura. Taurira shamwari yako pamusoro pacho kana chisiri chiri chako wega pachako.

  • Wana enzaniso dzezvevhangeri mubhuku kana mubhaisikopu raunoda, uye govera nzwisiso dzako.

Zvemazuva Ose zveMusikirwo Wedu

Apo paunowana nzira dzakasiyana dzokugovera nadzo izvo zvaunotenda, zvinozonyanya kuva semusikirwo wako kuita kudaro. Zvingangova zvinonetsa pakutanga, asi izvozvo zvakanaka! Rangarira, uchapupu hwako pachahwo hwutori musikirwo wako kwauri—chikamu chezvauri. Kuhugovera kunokwanisa kuva musikirwo wakowo. Zvose zvazvinotora ndezve kuhutaura zvakanyanya kuwanda zuva roga roga.

Ungazogovera sei uchapupu hwako nhasi?

Noti

  1. Dieter F. Uchtdorf, “Apr. 2019 general conference” (Ensign kana Liahona [Riahona], Chivabvu 2019, 17).

Dhinda