2023
Mufambidzani Wedu weNguva Dzose
Mbudzi 2023


Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona, Chivabvu 2023

Mufambidzani Wedu Nguva Dzose

Zvikamu Zvakatorwa

Mufananidzo
alt text

Tinoda, uye unozoda, hufambidzani hwenguva dzose hweMweya Mutsvene. Zvino, tinohuda, asi zvakadaro tinoziva kubva muzviitiko kuti hazvisi nyore kubudirira pazviri. Mumwe nemumwe wedu anofunga anokutaura uye anokuita zvinhu muupenyu hwedu hwezuva nezuva zvinokwanisa kugumbura Mweya.

Apo izvozvo pazvinokaitika, sezvo zviri zvinozoitika, tinogona kunzwa kurangwa kubva kuna Ishe. Uye tinogona kuyedzwa kunzwa sekuti tiri toga. …

Kana ukazviwana uchinetseka kunzwa Mweya Mutsvene, ungangofungisisa kana paine chimwe chinhu chaungatendeuka pachiri uye ugogamuchira ruregerero. Unokwanisa kunamata nerutendo uzive zvokuita kuti ucheneswe uye nokudaro ugovapadyo nokukodzera hufambidzani hwenguva dzose hweMweya Mutsvene.

Kana uchida kugamuchira hufambidzani hweMweya Mutsvene, unofanira kuhuda nezvikonzero zvakanaka. Zvinangwa zvako zvinofanirwa kuva zvinangwa zvaIshe. Kana zvinangwa zvako zviri zvakanyanya undingoveni, unozowana zvakaoma kugamuchira nekunzwa femero yeMweya.

Chinhu chikuru kwandiri uye kwauri ndechekuda izvo Muponesi zvaanoda. Zvinangwa zvedu zvinofanira kukurudzirwa nerudo rwakarurama rwaKristu. .…

… Mweya Mutsvene uri kutumirwa kunhengo dzechibvumirano dzakatendeka dzeChechi yaJesu Kristu. Zvino, zviitiko zvako zvinozova zvakasiyana nezvimwe, uye Mweya unozotungamira nemunzira yakanyatsokodzera rutendo rwako nekwaniso yako yekugamuchira zvakazarurwa zvako iwe uye zveavo vaunoda nokushandira. Ndinonamata nemwoyo wangu wose kuti chivimbo chenyu chinozokura.

Dhinda