“Mashoko oKurarama Nawo,” For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Chikunguru 2024.
Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Chikunguru 2024
Ropafadzo Rako raPatiriyaki
Zvakatorwa kubva kunhaurwa dzemusangano mukuru waKubvumbi 2023 dzakapuwa naGosa Kaazuhiko Yamashita uye naGosa Randall K. Bennett veMakumi Manonwe.
-
Ropafadzo raPatiriyaki rine rairo yako pachako iwe inobva kuna Ishe.
-
Rinokuzivisa dzinza rako muimba yaIsraeri.
-
Igwaro dzene rako pachako iwe.
-
Rinoera uye rakavanzika.
-
Haritsananguri mafambiro achazoita upenyu hwako hwose.
-
Haripindure mibvunzo yako yose.
Kana rikasataura chiitiko chakakosha muhupenyu, usatora izvi sezvinoreva kuti hauzowani mukana iwoyo. Ropafadzo rapatiriyaki ndere kusingaperi, uye kana ukararama zvakakodzera, vimbiso dzisina kuzadzikiswa muupenyu hwuno dzinozopuwa mune hwunotevera.
Unofanira Kuva Wakura Zvakadii?
-
Unofanira kuva wakura zvakakwana kunzwisisa kukosha uye nokuera kweropafadzo racho uye kunzwisisa dzidziso yekutanga yevhangeri.
-
Zvakanyanya kunaka kuti uve uchiri mudiki zvakakwana zvokuti sarudzo zhinji dzakakosha dzehupenyu dzichiri mberi.
Maropafadzo kubva Kuropafadzo Rako
© 2024 by Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly For the Strength of Youth Message, July 2024. Shona. 19302 731